Kuzadzwa na Mweya mutsvene
(VaEfeso 5:18)
Pazuva repentekosti,Mweya Mutsvene vakaburukira pavadzidzi vakange vakaungana muimba yapamusoro yaMako,moyo yavo ikazadzwa nomufaro.”Zvokwadi,vimbiso dzose dzaJeso dzaka zadzikiswa! Chokwadi Mwari vanesu!Tiri vana vedenga!”Vadzidzi vakachema,nokunamata,nokuimba,vachitamba vose.Vamwe pavakavaona vachidai vakati vakadhakwa newaini.
1. Kusiyana kwo Kudhakwa naMweya Mutsvene
Avo vanodhakwa vanozvipa kusimba redoro,asi vanozadzwa namweya Mutsvene vanozvipa kusimba raMweya Mutsvene.Kudhakwa kunounza hunjake njake,asi kuzadzwa naMweya Mutsvene kunounza huKristu.Nzira dzehudhakwa irima bedzi nekurasika,asi nzira yokuzadzwa nomweya ndewe chiedza nehuchenjeri.Ishe vanotaura kupfurikidza naPauro:Musadhakwa newaini,zvinounza hunjake njake,asi zadzwai noMweya.”(Eph5:18).
2. Mufaro usingaperi
Vanhu vanotsvaka mufaro musimba redoro,asi mufaro uyu haugari asi kuti unounza mamwe matambudziko.Chatinoda, mufaro usingaperi.Ishe vakavimbisa Mweya Mutsvene, Vachiti:”Zvirokwazvo murikusuwa,asi ndichakuonai zve,moyo yenyu ichafara,uye hapana achakutorerai mufaro uyu kwamuri“(Johani16:22)
3. Nzira yo huchenjeri
Kufamba munzira itsva yaKristu tiri mukati mehondo yomweya,tichifanana naKristu munyika izere nhema nehuipi asi tichivheneka chokwadi cherudo rwaMwari munyika isina chokwadi hazvigoneke musimba redu.Zvinogoneka bedzi tikazadzwa naMweya Mutsvene,ndipo patinogona kufamba munzira iyi tichirarama muchokwadi murwendo rwe hupenyu.Ngatiregei kufamba sevanhu vasina kuchenjera,asi ngati tungamirirwe na Mweya Mutsvene.Tisa zvinyengedza tichizvifadza nemufaro wenhema asi tive nemufaro usingaperi.Ngativimbei muna Mwari tichisimbiswa naMweya Mutsvene,tichirarama se avo vakachenjera.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Ndira 12, 2025, Basa reZuva raIshe
Regai kudhakwa ne waini
VaEfeso 5:18
Mutariri Sung-Hyun Kim