Rumbidzo
(VaEfeso 5:19)
Rumbidzo chinhu chinongouya zvirinyore kune vakaponeswa nenyasha dzaKristu.Mwari havangoise nziyo dzemweya mumiromo yedu bedzi, asi vanorayira kuti tiimbe.Rwiyo rwavanotipa kunesu isu chisikwa chitsva, rwiyo rutsva-urwo rwakanga rusiko munyika kubva kare.
1. Kereke nerumbidzo
Patinoimba rwiyo rutsva,chakakosha kusangobatwa moyo tiri tega,kunyange pane vakatikomberedza,asi kuimba pamwe chete sevatendi vari mukereke.Zvirokwazvo ,rumbidzo inopiwa kunaShe,asi ibasa rakapiwa vanhu naMwari wavo-achivadana nekuvarangaridza umwe neumwe nezvenyasha nekuda kwavo,kuti moyo yavo itevedzere chokwadi ,uye nekukurudzirana, ivo Mwari vachidurura simba ravo vachiisa gomborero pavari vatendi.
2. Kurumbidza ne Evhangeri
Nguva dzekare kare,kwaive neve hunyanzvi avo ndivo vaiimba bedzi mukereke.Asi pakauya nguva ye Rifomesheni,vatendi vose vakatanga kusimudzira mukuimba vachirumbidza Mwari.Mbiri payakatanga kufamba, vhangeri rakadzika midzi mumoyo yevatendi.Pese paiparidzwa evhangeri,mufaro weruponeso rwairatidzwa nenziyo dzakasiyana siyana.Vatendi vaisimudzirana nekuimba,chitendero chikasimbiswa chikatanga kugachidzwa kune madzinza aitevera kusvikira chasvikawo kwatiri.
3. Ishe neRumbidzo
Hatizive kuti tinoramba tiine mukana wekuramba tichiimba pamwechete zvenguva yakadini.Tichiri nemukana,ngatiimbei pamwe chete.Ngatisa kahadze nguva yakakosha nekunetsekana nekuda kwekusiyana siyana kwe maimbiro nemimhanzi yatingade.Ngativavarirei kuimba pamwe chete kuitira kuti simba regomborero raMwari ridururwe patiri.Nziyo dzenyika dzinozongipfuura nenguva,asi rumbidzo yatinopanana inoramba iripo nokusingaperi ichitovatawo denga.Patinoimba,Mwari vanoimba nesu.Naizvozvo ngatiimbei pamwe chete,tichitaurirana mukutenda nemufaro.Ngazvizadzikiswe kuti rumbidzo yaIshe yatinoimba matiri igare nekusingaperi.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kukadzi 2, 2025, Basa reZuva raIshe
Imbayi kuna Ishe uye, tauriranai umwe ne umwe
VaEfeso 5:19
Mutariri Sung-Hyun Kim