Idai sezvaiita Kristu
(VaEfeso 5:25)
“Mukadzi wangu haandiremekedze.Saka ndinmudirei?Handimunzwire mumoyo mangu,saka ndinozvimanikidzirei kuedza kumuda?”Iwe unotofanira kumuda.Nhau iripo ndeyekuti hazvisi kunzi kuda munhu kunokodzera nokuda kwemunhu iyeye.Inhau yekuti iwe uri muna Krist-ndicho chikonzero chekuda chakazara.
1. Apo pane kushaiwa
Musamariya akabatsira mujudha akange arohwa nematsotsi nekuda kwei?Mujudha uyu akange arimupfumi here?Akange arimunhu anokodzera kudiwa here?Handizvo.Chikonzero chimwe chete-aive munhu aida rubetsero.Ndizvo zvimwe chete murudo rwaKristu kwatiri isu.Vanotida kwete nenhau yekuti tinodika asi kana tisina rudo rwavo,hatikwanise kurarama.
2. Rudo isarudzo yaunoita unchirevesa
Rudo rwemurume kumukadzi wake runofanira kuva rwekurevesa.Murume haafanire kuda mukadzi nekuti hunhu hunodika,asi nekuti mukadzi anotova munhu anoda rubatsiro rwerudo.Rudo harungouyi-isarudzo.Magezero akaita Jesu vadzidzi vavo tsoka ,asi vachiziva godo,huipi,kuchiva kwavaive navo,rudo isarudzo.Haisi sarudzo yezuva rimwechete,asi isarudzo yezuva nezuva.Rudo rwakadai ndirwo rwatakapiwa semurairo.
3. Rudo chiratidzo chechipiriso
Rudo rwenyika ino rwunotsvaka zvinorufadza asi rudo rwaMwari chipiriso pacharo. Vasati vauya panyika Kristu vakange vane ruzivo rwekuti vaizotambudzika nakuomerwa pamberi.Asi vakakumura chigaro chavo avo vaive Mwanakaomana waBaba vakabadhara mutengo werudo waidiwa.Mwari vanopa varume murairo wekuva nerudo rwakadari.Vanoshuwira kuti rudo rwakadaro rwuve mukereke mavo.Ngatisarudzei kuda semadiro atakaitwa naKristu.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kurume 9, 2025, Basa reZuva raIshe
Idai vakadzi venyu sekuda kwaita Kristu
VaEfeso 5:25
Mutariri Sung-Hyun Kim