Kumira pachokwadi
(VaEfeso 6:1)
Mazuva ano ,zvava kunetsa kusiyanisa zvakaipa nezvakanaka.Mumwe ne mumwe ane maonero ake zvichienderana ne nguva dzacho netsika nemagariro enguva iyoyo.Munhu akava nezwi riri pamusoro anonzi anechokwadi,uye uyo anobata shungu dziri mumoyo yevanhu ndiye ane chokwadi here?.Chokwadi chaicho ndechipi?Tinofanira kunzwisisa kuti chiyero chechokwadi chaicho chinobva kupi.
1. Kunobva Chokwadi
Vanhu vanozvitongera nekuona kwavo.Zvinobva muhana dzavo, asi iyo hana yacho inorovera muchokwadi chevanhu vavagere navo kana kuti zvirikutonga mazuva iwayo?Bhaibheri rinoti kwete.Hunhu hwa Mwari hunotungamira vanhu kuti vaone chakashata nechakanaka.Zvizhinji zvatinoti zvakanaka zvinobva mukunaka kwaMwari.
2. Chokwadi chiri mumoyo wemuiti.
Kunyangwe vanhu vakataura nekuita zvakanaka,kazhinji mukati memoyo yevanhu mune humbimbindoga,nekuzvikudza.Vanhu vanowanzo funga kuti varikuita zvakanaka nekuda kwaMwari asi mukati mavo mune kuzvikudza.Zvakanaka zvose zvinofanira kufadza Mwari pakutanga-Vanotarisa moyo yedu.Vanotonga mifungo ne zviri mukati medu kunyangwe patinotaura nekuita basa rakanaka.Kunaka kwedu kunopimiwa na Mwari.
3. Riva rinobata vazhinji
Kunyangwe vazhinji vakati zvinhu zvakanaka hazvirevi kuti zvakanaka.Dzimwe nguva vazhinji vanotsikirira chokwadi kudzamara vanhu vave nemoyo yakasindimara.Chokwadi hazvirevi kuti ndecheruzhinji.Vanhu vakaramba zvinodiwa naMwari vachida kufadza vanhu havafadze Mwari.Chiyero chezvakanaka chinobva mukururama kwaMwari,ndicho chiyero chatinomira pachiri.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kubvumbi 13, 2025, Basa reZuva raIshe
Kuteerera vabereki zvine ruramo
VaEfeso 6:1
Mutariri Sung-Hyun Kim