Kurwa kwoMweya

(VaEfeso 6:10)


Nyika izere nemweya yetsvina.Mweya iyi inokonzera vanhu kuti varambe vachitadza,kureva nhema,kupanduka,kumukirana nekuparadzana.Mweya iyi inozvivanza,kuitira kuti vanhu vasazive kuti varikushandiswa nayo iyo,mweya yetsvina.

1. Mhirizhonga YeHondo Huru Kwazvo
Jesu vachingogamuchira Mweya Mutsvene,vakasangana nekushungurudzwa naDhiabhori.Dhiabhori nevatumwa vake vakanzwa kushungurudzika  kwazvo pakasvika Jesu panyika.Pakutanga,vakamuyedza.Pazvakaramba,vakada kumuuraya.Pakupedzisira Jesu vakaroverwa,nokuda kwevanhu vaishandiswa nesimba remweya yetsvina.Kunyangwe zvakadaro,vakamuka,vakaenda kudenga,asi vakakumbira kuna Baba-naizvozvo Mweya Mutsvene vakatumwa panyika.Nokuda kwaizvozvo kereke yakabarwa.

2. Kereke irimu Hondo
Kereke inomira mukati mehondo yemweya.Avo vakaponeswa,vakabatanidzwa nekereke ,havachabatwa kumeso nenhema dzewakaipa nemadhimoni ake,asi vanomira vachidzivirira kubva kusimba rechivi nerufu kupfurikidza naMweya Mutsvene.Asi kurwisa kwadhiabhori hakumire,Anoda kuvharira vhangeri kuti vanhu vasarigamuchire,asi anodyara nhema muvatendi-achivagumburisa nakuvarasisa kuti vaite kuda kwake.Naizvozvo,avo vaifanirwa kushanda basa raMwari vanopedzisira vakuita mabasa erima.

3. Mauto aMwari
Avo vanoshandira dhiabhori,vachaparadzwa pamwe chete naye.Vazhinji vakazororesa,vachiti,”Ndinotenda munaJesu,saka ndichaponeswa”.Asi Ishe vakajekesa kuti Vachatonga umwe nemumwe nemabasa ake.Munhu anogona kurasiswa oita muranda wadhiabhori.Naizvozvo hatifanire kuvimba ne simba redu,asi kuimbiswa nesimba guru raKristu.Tiri mauto aKristu,uye tiri muhondo.Ngatimirei muhondo yewakaipa tichengetedze kereke.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chikunguru 8, 2025, Basa reZuva raIshe
Kurwa kwoMweya kwe Kereke yaKristu
VaEfeso 6:10

Mutariri Sung-Hyun Kim