Hondo isingatizike
(VaEfeso 6:10-11)
Unoti mweya wako wakachengetedzeka-nekuti uri mutendi?Unozvigarira haude zvemhirizhonga?Pane chinhu chimwe chete chausinganzwisise-dhiabhori haazorore.Titori pahondo naye.
1. Nzira yakajeka yekukundwa
Avo vasina kugadzirira vanoparadzwa muhondo.Ndevapi vasina kugadzirira?Avo vanovimba nehuchenjeri nesimba ravo.Havazive wakaipa-dhiabhori-saka havakunde.Paanoisa mambure dhiabhori,vanongofunga vachiti,”ndichazvionera ndega ndozvitongera nyaya dzangu ndega,”ichi chiratidzo chekutokundwa.Munhu anga kunda dhiabhori -uyo akayedza kumukira nekutsaura Mwari Baba ne Mwanakomana?
2. Mano aDhiabhori
Sezvinoita shumba painovhima,dhiabhori anoshandisa mano anorasisa.Naizvozvo,vatendi vazhinji havazive kuti kuti varikuvhimiwa.Pakabuda kwemaIzirayeri mu Ijipita,vakaona minana mizhinji,asi vakapanduka -kwete nokuda kwohuipi asi nokuda kwamano adhiabhori akasimba.Avo vanozvitongera nekuona kwavo,nehumbimbindoga,ava vachava vanoshandiswa sezvishandiswa zvadhiabhori.
3. Hukasha mukukunda
Mabasa adhiabhori haagumire pazvitendero.Pasi rino rose- Kana zvematongerwo enyika,zvepfuma nezvetsika nemagariro kana zvikaringana zvichikurudzira nzira dzitsva nemararamiro matsva,tinofanira kuzvinzvera.Nyika inoti zvakaipa zvakanaka,yoti chiedza irima.Kunyangwe kereke irikumanikidzwa-nekushozhorodzwa kweshoko nekufambiswa kwevhangeri rakarasika-dzamara zvatoomesa kumira pachokwadi.Kuvhika mano akadai adhiabhori ,kereke inofanira kumira yakasimba,tinofanira kupfeka zvombo zvose zvokurwa zvaMwari.Ndiyo hondo chaiyo.Asi Ishe vakatokunda kare.Hondo iyi mukana wekubatana na Ishe mukukunda kwavo.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chikumi 15, 2025, Basa reZuva raIshe
Kurarama takamisidzana nadhiabhori
VaEfeso 6:10-11
Mutariri Sung-Hyun Kim



