Bhanhire rechokwadi

(VaEfeso 6:13-14)


Mumatambudziko,vamwe vanhu vanotanga kubvunza mibvunzo vachiti: Mwari vanorambirei vakanyarara? Bhaibheri ndere chokwadi here? “Asi uyo anonyinyutira Mwari anogona here kuvimba navo?

1. Magumo akatoonekwa kare
Mutendi anonyunyuta kudai anoratidza kuti dhiabhori akatomukunda kare.Vatendi vazhinji vanoisa kutenda kwavo mukudya ndigere nehupenyu hwakapfava.Havacherechedze kuti tiri mumazuva akaipa,uye havade kunzwa kuti tinofanira kumira takavhika dhiabhori.Ndizvo chaizvo zvinodiwa nadhiabhori.Vanhu vakadai havakwanise kurwisa hondo dzinosimuka.Mhedzisiro yavo,kusiya evhangeri,vongonzi vatendi bedzi uye vanoremera kereke nekuipa mutoro nokuda kwekukara kwavo.

2. Moyo wakatendeka
Zvirokwazvo tinofanira kushonga nhumbi dzose dzekurwa.Chokutangisisa kusunga chiuno nechokwadi.Kana zvisina kudai,hakuna chimwe chichatevera.”Kusunga chiuno nechokwadi”hazvirevi kuti kungoziva  mashoko echokwadi bedzi.”Chokwadi” chinoreva kutendeka.Zvinogona kureva kururamisirwa,kuva munhu ane hunhu nechokwadi-nemamwe mashoko ,kunaka.Chokwadi chaMwari chinodiwa kwatiri kuva ne moyo nehunhu hwakatendeka.

3. Muchero wekuvimba
Sevanhu venyama,hatina kutendeka.Asi tikavimba zvakazara muna Mwari ,kunyangwe tikasangana nezvakasiyana siyana tinova netariro nedenga ratakavimbiswa na Mwari,tichicherechedza kuti vanesu ,uye tichitevedzera shoko ravo.Mwari vanozadzikisa zvavakataura.Avo vanovimba munaMwari akadai vanotendeka.Vanoshandira Mwari ne tariro nemufaro,uye vanoita mabasa mazhinji ,vachitendekawo kuzhinji. Naizvozvo ngatitangei tasunga zviuno zvedu nechokwadi tiswedere pedyo naMwari.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chikunguru 29, 2025, Basa reZuva raIshe
Kusunga chiuno nechokwadi
VaEfeso 6:13-14

Mutariri Sung-Hyun Kim