Mashoko Egomborero
Anoturikirwa naMufundisi

(VaEfeso 6:23-24)


Mashoko egomborero haasi anongoitwa semitemo webasa?Mharidzo haisi yakakosha here.Ndinofanira kubuda mukereke mashoko aya asati akutaurwa.”Une mufungo wakadai here?

1. Sungano Ine Kutenderana
Mashoko aya haasi ekupeta mharidzo.Nguva iyi yakasanangurwa kuti makomborero aMwari ataurwe kuvanhu.Anomataura mashoko aya munhu,asi ndiMwari akadana munhu iyeye vakamupa simba iroro.Kunyangwe mashoko aya achibva kudivi rimwe chete,zvine kutenderana musungano  iri pakati pevanhu naMwari wavo.Kunyangwe Mwari vakada gomborero kuvanhu,vakasarigamuchira,sungano yacho haibate.Naizvozvo tinofanira kukomborerwa hunge tadaira mukutenda nekuteerera.

2. Kukura Kwe Gomborero
Munhu akaverenga VaEfeso kubva pakutanga,gwaro racho rinenge rerumbidzo,inopera negomborero.Mumagwaro aya ,Pauro anoshuvira nokutarisira kuti vatendi vazadzwe nerudo zvinobva mugomborero raMwari.Anozvitarisira kumakereke ose zvinosanganisira kuVaEfeso nemakereke ose ari mu Asia Minor navose  vanoda Kristu.Zvido zvaPauro zvakazadzikiswa nokuti makomborero arikuonekwa nanhasi.

3. Gomborero risingaparare
Pauro wakatsinhidza runyararo kuvatendi,kuzadzwa nerudo nokutenda zvinobva kuna Baba na Ishe Jesu.Aishuwira kuti vose vanhu vakayananiswa naMwari vararame upenyu hwekutenda muna Kristu,semagamuchiro avakaita rudo kubva kuna Mwari,vanofanirawo kuda vamwe vatendi.Vanoshuva kuti nyasha dzaMwari dzive pane vose vanoda vamwe vatendi.Ngatidei Kristu nemoyo yedu yose.Ngatiwanei gomborero risinga parare-urwo rwekuti wakaipa haakwanise kuparadza.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Nyamavhuvhu 24, 2025, Basa reZuva raIshe
Makorokoto Asingaperi
VaEfeso 6:23-24

Mutariri Sung-Hyun Kim