Muranda Wa Jesu Kristu
(VaRoma 1:1)
Mu Apostora Pauro waive munhu mukuru,akadzidza zvikuru uye aine nyembe.Aive netsamba dzekodzero dzenyika ye VaRoma,akafundiswa na Rabhi Gamariyero,uye aive umwe pakati pema apostora anokwana gumi netatu vakadanwa naJesu vamutswa kubva mukufa.Kunyangwe zvakadaro ainyora magwaro kuvatendi vemu Roma achizvidaidza se”Muranda wa Jesu Kristu.”
1. Muranda akazvininipisa
Pauro haana kutevedzera tsika dzekubwinya dzetestamende yekare yekunzi”muranda mukuru washe”asi akatora muenzaniso wemuranda we vaRoma wemunhu aripasi.Nguva idzodzo,muranda aiva mudziyo wamambo vake,asina kana kodzero.Pauro unozviti ,”mushumiri”(murandazve unoita zvokudya),sezvo ari muranda,waifanana (nemuranda waikwasva zvikepe zvikuru zvehondo,iye arimukati macho asi ari pasi pasi).Uku ndokuzviona kwaita Pauro muhupenyu hwake achishandira Kristu.
2. Kuzviisa Pasi Sesarudzo YeRudo
Huranda kwa Pauro hwaiyenzaniswa nemuranda wetesitamede yekare yemuranda asinga sunungurwe.Kunyangwe paipiwa mukana wekuenda,muranda aigona kusarudza kusasunungurwa nerudo rwaaive naro kunamambo vake vakanaka.Izvi zvaisasvoreka mumaziso aPauro,asi mukana wekugara mukubwinya,kwete kumanikidzwa asi mukana,irisarudzo yaakaita yerudo.Akazvipira kuna Ishe akamuponesa kubva kuchivi nerufu.
3. Hupenyu Hwune Midzi MuNyasha
Kuna Pauro,hu apostora hwake kana chipo chake nesimba raaive naro,zvakange zvisiri zvinhu zvekuti aganze nazvo,asi aive mabasa enyasha.Paaireurura aiti,”Nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri”zvichiratidza kuti paakasangana naKristu munzira yeDhamasiko zvakamuninipisa hupenyu hwake hwose.Kana Mu Apostora angoriwo muranda,chokwadi nesuwo tiri pasiwo pevaranda.Kudanwa kwemunhu,hushumiri,nehupenyu hwemutendi-zvose zvinobva kuna Mwari-uye dzingori nyasha.Kristu sa Ishe wedu ndiwo mufaro wedu usingaperi.Ngaticherechedzei chokwadi ichi chemweya.Ngativei nemuwono wakanaka pamberi paMwari,aya ngaave mavambo ehupenyu hwedu hutsva.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Nyamavhuvhu 31, 2025, Basa reZuva raIshe
Muranda Wa Jesu Kristu
VaRoma 1:1
Mutariri Sung-Hyun Kim



