Evhangeri yaMwari

(VaRoma 1:1)


Evhangeri inhau yeruponeso rwunoparidzirwa vanhu vanenge vashungurudzwa nokuda kwechivi.Inhau inobva kunaMwari.Kukosha kwevhangeri kuripamhando yepamusoro zvekuti kunyangwe kutaura kweMadzimambo epanyika kwakareruka zvikuru pachiyero.Naizvozvo,kukosha kwemashoko akadai kunonzi vhangeri yaMwari.

1. Vanhu vakasungwa neChivi
Vanhu vakasungwa nekuda kwesimba riri muchivi.Vanhu venyama mumaitiro avo ,vazere nekuzvikudza,nekutongesana nekupima vanhu uye zvese zvavanoita zvizere humbimbindoga.Kunze kwekuda vanhu nekushandisa zvinhu kuti vanhu vakomborerwe,vanhu vanotoda zvinhu voshandisa vanhu kuti vawane zvinhu.Nekuda kwekukara,vanhu vanonyepa,vane mano akaipa uye vanonyengedza vasina mhaka kuti vaparare.Zvese izvi vanozviita ,vachiti,”Ndiwo wega hupenyu hwandinahwo”.Asi vanozvinyengera,nyamba kutya kufa-nekutongwa hazvibve mavari.

2. Kudanwa naMwari
Kunyangwe zvakadaro nhau yakanaka ndeyekuti Mwari vanotiponesa-ndiro evhangeri.Kuparidzwa kwaro kundudzi dzese,Mwari pachavo vakadana Pauro vakamusanangura.Ari munzira yekuenda Dhamasiko kunoparadza kereke,akasangana naMwari,vakati kwaari,’Unonditambudzirei?”Mukukatyamara,Pauro ,akaona kuti akasanagurirwa evhangeri.Kubva ipapo akazvipira kuparidza vhangeri,mukuomerwa,nemumatambudziko.Nokudaro,isuwo takanzwawo shoko reruponeso.

3. Hurongwa huri kuenda mberi.
Donzvo revhangeri,rine midzi mukutenda nemutengo mukuru rave mumaoko edu.Vhangeri iri chibereko chebasa guru rinoitwa na Mwari,uye nhau yeruponeso inopiwa kuvanhu,vanga vachingotambudzika nekuda kwechivi.Nguva yatakatarirwa iri kupera,asi vanhu varimubishi rekuparadzwa.Ino inguva yekukoshesa evhangeri nekuzvipira kwariri.Ngativhurei meso edu tichirikoshesa,tizvipire kupa hupenyu hwedu kupa vanotevera chitanda cherudo rwusingaperi.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Gunyana 7, 2025, Basa reZuva raIshe
Kudanwa ku Evhangeri YaMwari
VaRoma 1:1

Mutariri Sung-Hyun Kim