Kuteerera kune kutenda
(VaRoma 1:5)
“Hachisi chokwadi here kuti ndikatenda muna Jesu ndaponeswa?Ko sei pachitsinidziwa nhau yekuteerera,hakusi kuda kutiisa pasi pemurairo here.Kurarama uchiteerera kwakanaka chose,asi kuteerera kunei neruponeso?Ini ndakagutsikana neruponesa bedzi.Handidi zvekushungurudzwa nebasa rinouya nemutoro wekutenda muhupenyu hwangu.”
1. Kutendeuka Ne Mabasa
Vatendi vazhinji vane mifungo yakadai.Mwari havana kuunza vhangeri re kungotidzikinura chete.Vhangeri rinounza zvinhu zviviri:kutendeuka nemabasa.Kutendeuka kunoteverwa nemabasa.Takaponeswa kubva kuchivi,tava vaKristu,uye tave zvisikwa zvitsva zvine hupenyu hwaMwari.Mwari vakadana umwe nemumwe kuti aite basa ravo.Mwari havaponese munhu vasingamupe basa.
2. Kuteerera nekutenda
Tagamuchira ruponeso nemabasa zvinouya nevhangeri,tinofanira kuva nekutenda kunoteerera.Bhuku raVaRoma rinotanga nekutaura richiti “nekuteerera mukutenda,”mumagwaro ekutanga anopedzisa kutaura achiti tichinanga kuteerera kusvika pakutenda”Kuteerera ndiko kunofanira kutevera kuponeswa.Avo vanozviti vakapona asi vasingateerere havana kudzikinurwa pachokwadi.Ruponeso haritutsirwe kuteerera pamusoro,kutenda kusitorina kuteerera hakusi kutenda kwechokwadi.Kutenda kunoteerera ndiko kutenda kwakatiponesa.
3. Rupawo muSimba ratakapiwa
Vamwe vanoti,”Ini ndinongoteerera Mwari bedzi.Musandiudze kuti nditeerere mufudzi.”Asi uku kuzvipikisa.Ishe vakati,vadzidzisei kuteedzera zvese zvandakakurairai,”uye Ipai makwai angu zvekudya,”ivo Mweya Mutsvene vanotipa vatungamiri kuti vatifudze.Munhu anoti anotungamirirwa naMwari chete asi iye achizvidza mutungamiri wekereke?Uyu munhu anotevedzera pfungwa dzake nezvaanoda.Kana takagamuchira vhangeri rakakwana ngatiriteerere mukutenda.
Abusa Sung-Hyun Kim
Gumiguru 5, 2025, Basa reZuva raIshe
Kuteerera kune kutenda
VaRoma 1:5
Mutariri Sung-Hyun Kim



