Simba revhangeri

(VaRoma1:16-17)


Pauro haana kumira kuparidza evhangeri,kunyangwe aisangana nekumhurwa nematambudziko kwese kwaaienda.Aidaro nekuti aiziva simba guru rinounzwa nevhangeri.

1. Simba guru pane masimba ose
Mwari ndi Mwari vanesimba.Hakuna munhu anga misidzane nesimba ravo.Rakakura zvisina muganhu.Chokwadi ndechekuti hapana chinokona nesimba raMwari.Asi pamabasa avo ose ,simba guru rinoonekwa apa:Simba rekutendeutsa vanhu vanhu vanotenda-simba iri rinoponesa vanhu kubva kuchivi nekuparadzwa.Simba iri rinowanikwa mu evhangeri.

2. Vhangeri rechokwadi
Vanhu vanosvotwa nevhangeri nekuti rinotaura zvinhu zvisingadiwe  nemoyo yavo-uye rinofumura kuzvinyengera kuri mavari.Naizvozvo avo vanoparidza maringe nevhangeri vanotya kuzvidziwa nekugurwa hukama nevanhu.Nokudaro vanotanga kutaura nenzira inofadza vanhu.Asi vhangeri rinoviga muchinjiko waKristu-ivhangeri rinonyengerera zvido zvevaehedheni-ringanzi evhangeri here?Simba raMwari rinoponesa vakasungwa naSatani,ringaonekwa here pavhangeri rakadai?

3. Rupawo rwedu
Kunyangwe vanhu venyika ino vakaona vhangeri serisina basa ,uye kunge rinokanganisa ,isu takaponeswa naro hatifanirwe kunyara naro.Hapana simba pasi rino rinoponesa kubva murufu nekuparadzwa,kubva mukutukwa negehena.Asi nesimba raMwari,takaponeswa kubva mukumanikidzwa.Naizvozvo tinofanira kushanda pamwe chete naMwari kuponesa mweya yevanhu.Izvi hatizvigone nesimba redu.Asi kana ivo Mwari mbune vakashanda mundima ndiko kuti basa rizadzikiswe.Nevhangeri,ngatitenderei Mwari kushanda-ndirwo rupawo rwedu.

Abusa Sung-Hyun Kim 

Mbudzi 2, 2025, Basa reZuva raIshe
Handinyari neVhangeri
VaRoma 1:16-17

Mutariri Sung-Hyun Kim