Chivi chinodzvinyirira Chokwadi

(VaRoma1:18-19)


Vanhu pavanoita zvinovengwa naMwari,vanosangana nehasha dzaMwari.Hasha dzaMwari dzinouya pamunhu wese-vatendi nevahedheni-zvichiratidzira  kusava nehuMwari nekusarurama.

1. Kusava nehuMwari nekusarurama
Kusava nehuMwari kunechekuita nehukama naMwari-kuva nekusaringana naMwari.Kune avo vanomira pamberi paMwari vakafanira kurumbidzwa pasina kunyengera-hasha dzavo dzinodzorwa.Kusarurama kune chekuita nehukama hwedu nevanhu-kurasisa vanhu nekuvakanganisa nokuda kwekukara.Uyu anodai haana hukama hwakanaka naMwari nekuti kusava nohuMwari nokusarurama zvinofambidzana.

2. Nei vanhu vasingasiye chivi ichi
Avo vasina huMwari uye vanoita zvisakarurama nde avo vanodzvinya chokwadi.Kuita kwavo kunoratidza kuvhika chokwadi.Mwari vanovenga chivi chekuvhika chokwadi.Asi nei vanhu vachibatirira kuchivi?Nekuti vanozvipa mhedzisiro yavo vega yekukasika vachiti,”Hakuna kurangwa.Zvese zvichangopfuura.”Ichi ichokwadi kune vasingatendi nevatotenda vacho.Wese anodzvinya chokwadi hapana anotiza hasha dzaMwari kunyangwe akatendeuka kana kusatendeuka.

3. Vose vasina kutendeuka ne vatendi 
Vamwe vanoti vahedheni vasingazive chokwadi,vanobatwa zvakaipa.Asi Mwari vakaisa mumunhu wese nzira yekuti vamuzive Mwari.Vanhu pachavo ndivo vanodzvinya chokwadi nekuda kwenyama.Naizvozvo vachazvimiririra naizvozvo.Vatendi vanofanira kungwarira.Hatifanire kuva avo vanodzvinya chokwadi.Ngatirangarirei zvataimbova,tocherechedza zvatava todzidza kukosha kwenyasha.Tinobva tafamba upenyu hunoenderana nenyasha.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Mbudzi 16, 2025, Basa reZuva raIshe
Hasha dzaMwari dzinorwisa kusarurama
VaRoma 1:18-19

Mutariri Sung-Hyun Kim