Humbowo huri mukati

(VaRoma1:19)


Hakuna munhu wemunyika ino angapupura kuti haana chaano ziva maringe na Mwari.Ivo Mwari pachavo vakaisa humbowo mukati memunhu wese kuti vanhu vese vavanzvere.

1. Kureurura kwa Hellen Keller
Humbowo hwemukati hwakadzama kudarika kunyangwe tisinga kunzvera kwemitezo.Helen Keller-aive akange asinga kwanise kuona kana kunzwa-asi akapupura mashoko iwayo.Mumvana Sullivan paakaedza kutsanangura Mwari ,Helen akati,”Ndagara ndichivaziva.Asi ndakange ndisingazive zita ravo bedzi.”Kunyangwe panga pasati pave nekubuditswa kwe ruzivo kwaari,mweya wake waitonzvera kuti kuna Musiki.

2. Kuzviitisa mukunakidzwa ne kutadza
Vanhu pavanoti havazive Mwari,hakusi kuti vanotadza kunzvera huvepo hwavo.Vanoramba chiedza chiri mavari kuti vanakirwe nechivi,vachinyepedzera  kusaziva Mwari kuti vararame hupenyu hwekuzvifadza.Chiedza chakauya kare mumunhu wese,asi kutapira kwechivi kunosunda vanhu kuvhika chiedza zvine simba.Ndiro dambudziko guru riripo.

3. Hupenyu hunodaira kuzvakazarurwa
Kunyangwe kune avo vanorarama vane kunzvera kushoma mune zvaMwari vanotya kutongwa zvinuru,ko isu tinofanira kudini-isu takagamuchira rudo zvakajeka ,rudo urwu rwepamuchinjiko nezvatakazarurirwa mushoko-tingararame sei takatazvitarisa?Tine chikwereti kuna Mwari chatisinga kwanise kuripa.Ngatisiyei kuzviregedzera,nekuzviitisa kuti titadze  asi tidaire kuzarurirwa nekutenda kukuru kwatakapiwa.Ngatigamuchirei rudo rwatakapiwa kuti tiponeswe,tisimudzire zita raMwari-tisingatye ,asi tiine kuzadzwa nerutendo nekuzvipira

Mutariri Sung-Hyun Kim

Mbudzi 23, 2025, Basa reZuva raIshe
Humbowo hwaMwari hwakadyarwa mukati memunhu|
VaRoma 1:19
Mutariri Sung-Hyun Kim