Kuraswa
(VaRoma 1:24-25)
Mwari havashingairire kutarisa vanoramba vachiita zvakaipa vachivasiya vakadaro vasinga zvicherechedze.Vanoteverera vachiziva nyaya dzose.Mwari vanogamuchira sarudzo dzavo ,vachivasiya vari pasi pesimba rechivi.
1. Izvi hazvina “Kunaka”
“Kusiya munhu kumazvake”mashoko akasimba.Mwari vakabvisa kuchengeta kwavo neruoko rwavo,munhu anosara ane shungu dzekutadza asinga dzoreke,akananga mukutongwa.Mifungo yakaipa ikaramba iripo haizomisike.Maitiro akaipa,akaramba odzokorodzwa anounza kusazvidzora.Nekuti kutongwa hakuuye ipapo ,munhu anozviudza kuti,”zvakanaka zvakadaro.”Asi zvose izvi zvinounza kutongwa.
2. Tinofanira kuungudza
Moyo yevanhu haitane kudairira kunyama,asi tinodanwa kuikunda.Mabasa enyama paanobuda- ndozvatinoti chivi.Chivi chinobvisa chiremerera pamunhu.Panze pekuti tizvicheme pamusoro pechivi,vanhu vanototyira kusagamuchirwa nekutya kutongwa nevanhu.Hunhu hwemazuva ano hunokoshesa ku gamuchirwa nevanhu asi uchiramba chokwadi,izvi zvinorerutsa hunhu hwechokwadi.
3. Tinofanira kutendeuka
Mwari vane hunhu hwekusiya vatadzi kwete zvachose.Kusiiwa uku kunoita kuti titendeuke.Vanhu akauya panyika kuti vatendeuke-pamwe ndomukana wemunhu umwe nemumwe wekupedzesera.Asi avo vanoramba kutendeuka,vanosiiwa naMwari kusarudzo dzavo:Kusarudza Mwari kana Gehena.Naizvozvo,tisatevedzere zvido yenyama mimoyo yedu asi titevere chokwadi chaMwari.Ngatirangarirei nyasha dzavo tiende mberi mukutenda tichifamba munzira yekutungamirwa navo.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Zvita 21, 2025, Basa reZuva raIshe
Kuraswa paMweya
VaRoma 1:24-25
Mutariri Sung-Hyun Kim



