Kudzingiswa Kwemoyo

(VaRoma 2:25-29)


Kureruka kwezvemweya ,kunounza mabasa ekuda kuzviponesa nesimba rako akanyanya.Mibatanidzwa yemakereke,kuimba,nezvipoka zvipoka zvemisangano hazviponese ,hazvina kusiyana nekuchecheudzwa kwemaJudha vaivimba mukudzingiswa.Patinozendama mumabasa enyama,chiratidzo chekupesana nemweya uye nekupera kwekusimba kwemunhu wemukati.

1. Vimbiso Yekuteerera
Kudzingiswa kwakakoshera kune avo vakazvipira kuchengetedza murairo.Kutyorwa kwemurairo kwaibva kwadambura sungano yekudzingiswa.Pakarepo muhedheni akanga asina kudzingiswa asi akatendeka mumararamiro ake achiita zvaitarisirwa nemurairo akange asina kusiyana neuyo akadzingiswa.Pamberi paMwari,munhu anoteerera asingazviratidzire ari parinani pane asingateerere asi akadzingiswa.

2. Chiratidzo Chesungano
Chirevo chikuru chekudzingiswa chakange chisiri chepanyama bedzi.Chaive chiratidzo chesungano-mhiko yekuteerera Mwari-kucherechedza hurema hwenyama inosungwa nezvitadzo ichidokwaira kucheneswa.Jeremaya akaungudza kuti adzingiswe moyo wake kuti ade Mwari,uye Mwari vakavimbisa Sungano Itsva yekunyora Murairo mukati me moyo yevanhu.

3. Humbowo hunoratidza kuti uri Mwana waMwari
Kudzingiswa kwemoyo.Hakusi kuzvinyanya tikataura mashoko ekuti ndipo pazere kutenda kwose kwe ChiKristu.Mwari havatarise huwandu panoshumirwa,magwaro ekereke,kana nhoroondo yekutenda,asi vanotarisa kuchena pamweya nemoyo.Mamiriro emweya-kudokwairira zvido zvaMwari uyemoyo unoteerera-ndihwo humbowo huzere nechiratidzo chemwana waMwari.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kurume 29, 2026, Basa reZuva raIshe
Kudzingiswa Kwemoyo
VaRoma 2:25-29

Mutariri Sung-Hyun Kim