Mutongi Asingatsauke

(VaRoma 3:4-8)


Wakambo zviona wakambandikwa mukona? Kunyangwe uchiyedza kuzvitsanangura mashoko ako aingoshandurwa uchiitwa iwe munhu akaipa. Ndizvo zvaiitwa Pauro pese paaiparidza evhangeri yaJesu-shoko raitaura nyasha dzisinei nemabasa-asi mamwe maJudha vaida kumukahadza, vachiramba vachingo shandura mashoko ake nguva dzose.

1. Zvivimbiso hazvi Shandurwe
MaJudha vaiti-Mwari vakativimbisa kuti komborera-sei uchiparidza kuti maJudha achatongerwa zvitadzo?Zvinoshandura here zvivimbiso?Pauro akapindura achiti : “Kwete.Kunyangwe chivi chichiunza kutongwa,kunyangwe kumaJudha,uye Mwari vakatendeka muzvivimbiso-zvokwadi izvi hazvipesane.Ndezve chokwadi zvese.”

2. Kutonga kwakarurama hakushanduke
MaJudha vakashandura zve mashoko vachiti:Kana kusarurama kwedu kuchibuditsa kururama kwaMwari,hazviite kuti vaite hasha kwatiri?Pauro haana kushanduka pamhinduro yake yekuti “Kwete .Kururama kwaMwari hakungobude pane zvivi zvevanhu. Vanotonga vakarurama nemutongo umwe chete-pasina rusarura-nguva dzose.Hasha dzavo hadzina kuipa,ndizvo zvinoratidza kururama Kwavo.”

3. Kupumha Hakutenderwe
MaJudha akapamha zve kekupedzisira: ‘Uri kuti titadze here kuti zvakanaka zviuye?’Pauro anopindura zve kuti:”Kuraswa kwe vanhu kunoita naMwari uku kwakarurama.”Makambo zvifunga here muchiti ,”Zvandaida kuita zvakanaka-asi nzira yandakashandisa yakaipa.Mwari vanozvifuratira.Chokwadi handinga tongwe?Ndizvo zvaitsanangurwa maPauro.Chokwadi chatinga mire nacho ndechekuti: Tinofanira kucherechedza kutonga kwakarurama kwaMwari tichingovavarira ngoni Dzavo.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kubvumbi 19, 2026, Basa reZuva raIshe
Kutongwa Kakarurama kwoMwari Kusingazungunuswe
VaRoma 3:4-8
Mutariri Sung-Hyun Kim