Mutadzi, Akawanirwa Nyasha
(VaRoma 3:9-10)
Mukristu haakwanise kutauri achiti, “Handina chivi” Hakusi kuti chivi chakaenda-asi kuti chakaiswa pane mumwewo.Kuzviti hauna chivi kutadza kunzwisisa Magwaro,asi kutyora hukama naMwari,anovenga chivi,uchitorasika munzira dziri Mavari.Chakakosha chikuru kuona kuti watadza kuzvipira kuna Mwari.
1. Hakuna Nzira Yepunyuko
Munhu wese akapara mhosva-Mutongo uri wekuti”une chivi.” Makristu ari nani here? Kwete.Vatendi vazhinji,semaJudha,vanozviisa muzvipoka zvemibatanidzwa,nekugona tsika kana kuti shungu dzechitendero sezvinovaita vatsvene.Asi kana paine akarurama pachokwadi pamberi PaMwari,anoruramiswa nekuti anopupura kutadza kwake pamberi paKristu.
2. Mutongo Wemhosva
Pauro,aitaura kunge ari mudare remhosva achiti, vaive mutestamende yekutanga: “Vose vatadzi.”Mutongo wekutanga:”Hakuna munhu akarurama,Kwete,hakuna kana mumwe chete.”Testamende yekutanga inotaura nezvaana Nowa,Inoki sevakarurama-vanhu vaive ne imwe nzira yakatsauka pamararamiro avo havo.Asi pamberi paMwari,hapana anganzi akarurama,zvakafanana nekuti semuyenzaniso,kunyangwe paine vanopesvuka nemazvo chose,kunyangwe munhu akati anokwanisa kupesvuka achiyambuka nyanza achibva kanyika achiyambuka nzizi -hazvinga mboitika.
3. Kururama Kwekupiwa
Iriko nzira,zvirokwazvo,yekuti vanhu vanogona kururama.Kupiwa kururama kwagara kuri muna Kristu kwoiswa mavari.Patinopupura kuti tiri vatadzi vaifanira kuparadzwa tiri kuzvinipisa pamberi paKristu Jesu,mwanakomana akatumwa naMwari,Ivo Mwari vanotipa nzira yekupukunyika mutongo werufu.Takawanirwa nyasha.Tisakanganwe tiri vapenyu zvatiri.Kunyangwe takagamuchira kururama kwaMwari,ngatimire takazendama nekutungamirirwa naMwari nguva dzose tichi tevedzera shoko ravo.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kubvumbi 26, 2026, Basa reZuva raIshe
Vanhu Vese Vatadzi
VaRoma 3:9-10
Mutariri Sung-Hyun Kim



