Mutauro
(VaRoma 3:12-14)
Vanhu vakapiwa mutongo kuti vatadzi.Humbowo huzere huri pedyo hunopupura mhosva iyi.”Mutauro” unoburitswa nemiromo yavo ndihwo humbowo hunoratidza zvakazara mumoyo yavo.
1. Guva Rakavhurika
Munhu wenyama anongotaura mashoko emweya wakafa.Huro dzavo dzinenge guva rakavhurika rinoratidza mutumbi wakafa.Guva iri rinoratidza mutumbi wakawora uye uchinhuhwa nekuti rakashama.Pakarepo mabasa ehunyengeri akafanana nebwambo rinoiswa pachiredzo ,vanhu vanorezva vanhu nemano ,nenhema nemikanwa inotapira.Kana vabata vanhu ava vano vashandisa kuita mabasa avanoda.
2. Huturu Hwe Nyoka
Pasi perurimi rwevanhu pane huturu hwenyoka,hunouraya vanhu.Zvakafanana nemhungu inoruma mwene wayo kusvika afa.Mukati mavo mune kutuka nekushura.Vanoshuvira kuti vamwe varasike.Dzimwe nguva vanoshura nekutuka vamwe zviri pachena.
3. Mutauro Waka Shanduka
Hatisisiri vanhu venyama bedzi.Tiri zvisikwa zvitsva muna Kristu.Nesimba raMweya Mutsvene tinokwanisa kukunda huipu hwedu, kunyangwe mutauro wedu unoshanduka.Mashoko erudo,runyararo nekusimudzira vakaremerwa-ndiwo mutauro wedu wakafanana newa Mwari,vakatipa rudo rwavo .Mutauro wemunhu unounza rufu,nekuparadzwa,mutauro wechisikwa chitsva unounza upenyu nekudzoseredzwa panzvimbo.Humbowo hwekuti evhangeri ruri mumoyo yedu hausi muzvikuru zvikuru.Mutauro wakashanduka-ndihwo humbowo hukuru pazvose.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chivabvu 10, 2026, Basa reZuva raIshe
Vanhu Vanogara Vachitadza Nemiromo Yavo
VaRoma 3:12-14
Mutariri Sung-Hyun Kim



