Bakatwa RoMweya
(VaEfeso 6:17)
“Mazuva ano hupenyu hwakatowoma.Paunouya kukereke unototarisira kutura befu-kunzwawo rugare.Unoremerwei kana ukanzwa shoko? Haufanire kuremerwa nemifungo yechivi nekutendeuka.Mwari vanokuda zauri.Kutenda hakusi nhau yekumanikidzana-kutenda kunokubatsira kuti uve iwe.Naizvozvo bvisa mweya yekumanikidzira kushanduka.”
1. Magwaro SeShoko RaMwari
Kuti tivhike kurwiswa nadhiabhori,tinofanira kutora bakatwa romweya.Cherechedza mano akaitwa nenyoka kuna Adhamu naEva akazovawisira pasi,mashoko ayo aita kunge erudo.Kuti tikurire mano akadai,tinofanira kuziva shoko raMwari.Hazvingorevi kungounganidza zivo yebhaibheri.Tinofanira kugamuchira shoko rinouya kwatiri-rinotiponesa nekuti tungamira-mimoyo yedu,dzamara takudzwa nekudzidziswa kwazvo.
2. Chombo Chino Dzivirira
Bakatwa remweya chombo chinodzivirira,tichikwanisa kumira takatarisana nehondo yadhiabhori.Tikshandisa bakatwa iri chaizvo tinokwanisa kurova miyedzo sokudai,”Zvakanyorwa zvichinzi,Tisararama mararamiro enyika ino,asi tishandurwe mupfungwa dzedu.”Zvakanyorwa kunzi,”Dzamara tose takwanisirwa pachiyero chokuzadzwa naKristu.”
3. Chombo Chinotangisa Hondo
Bakatwa romweya rinotangawo kurova kwete kuvhika.Harungo nangi dhiabhori bedzi-rinorova chivi chiri kupembedzwa naye,kunyangwe kwatiri,tinewo chekuita nacho chivi.Bakatwa iri rikauya patiri,moyo yedu inobaiwa tozviramba asi tikatarisisa,mabasa adhiabhori anobaiwa naro.Tikabaiwa naro bakatwa iri ,tinobva kumweya yekunyepedzera totanga kufamba muchokwadi kutobva murima tichipinda muchiedza,kubva muchivi nerufu kusvikira tave mukururama nehupenyu,kubva mukuchema kusvikira mukafara,kubva mukupera tariro kusvikira tave netariro,kubva mukusakura tokura,muhucheche kusvika takura,mukukonewa kusvikira tave vagoni.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Nyamavhuvhu 3, 2025, Basa reZuva raIshe
Nyamukuta yeMweya Mutsvene
VaEfeso 6:17
Mutariri Sung-Hyun Kim



