Basa reVabereki
(VaEfeso 6:4)
Vana havasi pfuma yevabereki bedzi-Ndeva Mwari. Vabereki vakatadza kuzvinzwisisa,vanotaura nekuita zvavanoda,vakazara nemanzwiro ne mawonero avo pasina kuzvidzora,vana vavo vanozo mhurwa mumoyo.Nokudaro,nzira yaifanirwa kushandiswa kuti vana vabatane naMwari inogurwa.
1. Rudo rwechokwadi.
Kunyanyo pindira pindira nekuda kutonga,inzira dzinogona kuti titadze kuona vana sevanhu vakazvimirira,tichivaenzanisa nevamwe,nekuratidza rusaruro tichida kutivabudirire zvine kumanikidzira,tichivatuka nekusvora tisingatarise ivo sedunga vanhu-izvi zvinoisa mudzi we hasha dzakanyanya mavari. Hasha idzi dzinogona kusabuda nemashoko asi dzinovapa mweya wekuzvisvora nekusada kuwadzana nevamwe-mhedzisiro yacho vana vanotya nekusavimba muna Mwari.
2. Zvirango nemirayiridzo
Vabereki vanofanira kupa zvirango kuvana murudo vachivadzidzisa shoko,nezvinodiwa naMwari.Nenzira iyi,vano tungamira vana kuva nehunhu hunoratidza huMwari. “Kana vamwe vachizviita vakavanda ,newewo itawo.” Mano enyika akadai anoshandiswa nevamwe vabereki kuvana, anovatsausa kubva kuna Mwari.Zvinodiwa nevana kubva kuvabereki,inzira yemoyo inovatungamira kuti vavimbike kuna Mwari chaivo.
3. Moyo Wakatendeuka
Vamwe vanhu vanorwadziwa nekuzvisvora kuti havana kukudza vana munzira dzaMwari.Hatifanire kungoda kubvisa marwadzo iwaya.Asi,tinofanira kurarama nemoyo urikutendeuka hupenyu hwedu hwose.Kubva nhasi ,ngatishuve kuva maoko aMwari kuvana vedu-nekuvanhu vose vatakaitwa vatariri vavo murudo naMwari.Kunyangwe zvichiita kunge hapasisina tariro,pane zvatinogona kuita.Ngatitendeukei,tizvipire kushanduka,tikava pachokwadi tichirarama nenzira yekubata moyo yevanhu nekurevesa.Mwari vanoona zvatinoita se pfuma inoshandiswa kuita basa ravo rakanaka.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chivabvu 11, 2025, Basa reZuva raIshe
Regai kudenha vana venyu kuti vazare nehasha
VaEfeso 6:4
Mutariri Sung-Hyun Kim