Chidzitiro Chekururama

(VaEfeso 6:14)


Avo vakabaiwa nemunondo wadhiabhori mudumbu, vanorasa kutendeka mumoyo,kunyangwe kuteerera Mwari kunotanga kunetsa.Kureurura kunonetsa,apo munhu anotanga kushandisa shoko kuzvifadza.Zvidokwaira zvemoyo zvinotanga kurasika-vanhu vanotadza,asi havachanzwe kubatikana-moyo yavo inosindimara,kuvimbika nekurevesa kwopera.

1. Kuzviruramisira nechipo chekururama
Chidzitiro chepachipfuva  chinofanirwa kugara chakapfekwa kuitira kuvhika dhiabhori.Uku hakusi kuzviruramisira.Kuzviruramisa kunoratidza mabasa edu hakugoni kuvhika dhiabhori.Ko tinoti kudini ne chipo chekururamisiwa naJesu paakapfeka chivi nokuda kwedu?Uku hakuna kukwanawo.Kunyangwe takapiwa kururama uku sechipo kuti tisaparadzwe nekuda chivi,hazviti dzivirire kubva kurwiswa newakaipa.

2. Kururama kwekuteerera
Isu tinofanira kupfeka kururama kwakaita sei?Kururama kunobva mukuteerera shoko raMwari.Kururama kwekuteerera kwehupenyu hwedu-hwose-kuteerera shoko nekuriita pane zvese zvehupenyu hwedu!Kururama kwekuteerera nekuita zvinotaura kuti shoko wakavimbika mariri!Avo vakapiwa chipo chekururama naKristu ndivo vanokwanisa kufamba mukururama kwakadai-asi hazvirevi kuti vakapiwa chipo ichi vachafamba machiri.Kunyangwe vatendi havakwanise kuzviona sekuti vatori nekururama kwakadai.Kuzvigamuchira,tinofanira kunanavira kutsungirira dzamara tasanganiswa na Ishe.

3. Chidzitiro chepachipfuva chinofanira kugara chakapfekwa
Panoitika hondo,hapana anoziva panotanga kurohwa mabara.Kurwisa kwadhiabhori hakuzivikanwi misi nenguva.Naizvozvo chidzitiro ngachigare chakapfekwa-pese patiri,uye mune zvese zvatiri kuita.Hatifanire kuora moyo tichisiya zvatakanzi tiite neshoko muhupenyu hwedu hwose.Tikararama takadai,hatina chatingatye,kunyangwe dhiabhori akati mutsira hondo yakahwanda.Tisinganyanyo zvichere chedza tinovhika  wakaipa nechidzitiro chekururama.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chikunguru 6, 2025, Basa reZuva raIshe
Pfekai Chipfeko cheHondo cheKururama
VaEfeso 6:14

Mutariri Sung-Hyun Kim