Imi munotonga vamwe
(VaRoma 2:1)
Kunemi maJudha vaizviona sevakarurama muchimhura mabasa evahedheni,Muapostora Pauro vakati,”Naizvozvo hauna chichakuvhikira iwe munhu,ani nani anotonga mumwe,kune chaunotongesera mumwe,wazvitongera chituko,nekuti iwe unotonga vamwe unoita zvimwe chete.
1. Unoziva zvinhu zvechokwadi
Iko kutonga kwemaJudha kwavanoita mahedheni kunoratidza kuti vanoziva zvakanaka nezvakashata pamberi paMwari.Kunyangwe mahedheni vachishandisa kunzvera kwehana ,maJudha vakapiwa zvakazarurwa naMwari.Kana vanhu ava vakatadzira Mwari havazopiwe mutongo mukuru here kudarika vahedheni?Zvakafanana nesu makristu.Tinofanira kurangarira kuwanda kwezivo yedu kunouya nebasa rekuchengetedza nekuita basa nemazvo sezvo tiine ruzivo ruzhinji.
2. Unoramba uchingozvifunga nekuzvifadza zvizhinji
Ishe vakati muranda anoziva kuda kwamambo asi asingakuite anosangana nematambudziko mazhinji(Ruka12:47). Vanhu vanowanzo womesera vamwe,asi vasinga zviomesere.Vanoona nekutaura kutadza kwevamwe kwete kwavo.Mwari vanotsiura avo vanozvidza kururama kwaMwari maringe nezvitadzo zvavo:”Nechiyero chaunoshandisa,newewo uchayerwawo”(Mateu7:2)
3. Hauwoni mamiriro ako sedungamunhu
Hapana anokwanisa kutonga mumwe-nekuti tese hatina kururama.Kune avo vanemhinduro,”Asi handina kuita zvisakarurama? Ishe vanopindura vachiti,”Kana moyo wako wakasviba,watotadza.”Ichi ichokwadi kune avo vanoziva zvizhinji nezvaMwaru.Ngatisa zvidza simba rezvitadzo.Tisagare pazvigaro zvekutonga vamwe.Asi,ngatizvicherechedze.Ngatitsvagei ruregerero rwaMwari hupenyu hwedu hwose nekuvimba nesimba raMweya Mutsvene.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Ndira 11, 2026, Basa reZuva raIshe
mi munotonga mumwe munhu
VaRoma 2:1
Mutariri Sung-Hyun Kim



