Ishe vanofamba nesu
(VaEfeso 5:18)
Pavadzidzi vaJesu,Petro akange akasanangurwa nekuda kwesimba,kuzarurirwa ,uye nezvivindi pane vamwe vake.Asi paive nechinhu chaimusiyanisa pane vamwe-aive murume we simba,akazarurirwa aive nezvivindi ,pese paaive naJesu paruti rwake.
1. Chikonzero chakadzosera kusatya muna Petro
Petro paakaparadzana naJesu akatanga kuzadzwa nekutya nekupera simba akatosvika pakuramba Jesu katatu pamberi pemuranda kadzi.Asi nguva payakapfuura pakazoonekwa shanduko.Petro akazadzwa naMweya Mutsvene akapupura Jesu asingatye pamberi pavaJudha vaimuvenga.Akaraira chirema kuti chifambe muzita raJesu akaparidza evhangeri kune avo vaishamiswa nekuporeswa kwaaita vanhu akapupura asingatye kunyangwe pamberi pava Sanihedireni avo vaivavhundutsira achiti,”Zvakanaka here kuna Mwari kuteerera imi here kana kuti ivo Mwari,zvitongei!”
2. Kusvinurira ruzivo rwekuti Mwari varipo
Chii chakaitika kuna Petro paakazadzwa naMweya Mutsvene?Chii chakamudzosera panzvimbo yekuva nesimba ,kuvhenekerwa nekusatya kwanga kusisiri paari?Paakazadzwa naMweya Mutsvene,akatanga kusvinurira kuziva kuti Jesu vanaye.Munhu anoziva kuti Jesu varipo paari-uyu akazadzwa naMweya Mutsvene.Mashoko aJesu anovabata,mashoko aJesu anogara zvinesimba maari achitungamira munhu mukufamba munzira yaanotungamirirwa naMweya Mutsvene.
3. Kufambidzana naIshe chikamu nechikamu
Kuzadzwa naMweya Mutsvene hakusi kwevanhu vashoma bedzi vanoshamisira.Umwe neumwe anoteerera Jesu anokwanisa kuzadzwa naMweya Mutsvene.Chekutanga,ngatirasei humbimbindoga nekukarira zvinhu zvenyama zviri matiri.Ngatiungudzei pamusoro pezvivi tichichema nekuda kwazvo.Hatina kupatsanurwa naJesu.Kunyangwe izvozvi,Jesu vanotitungamira,vachitaura nesu uye vachifamba nesu chikamu nechikamu.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Ndira 26, 2025, Basa reZuva raIshe
Kuzarurirwa Ishe vari mandiri parizvino
VaEfeso 5:18
Mutariri Sung-Hyun Kim