Kukudza Vabereki

(VaEfeso6:2)


Rimwe rematombo ezvinyorwa zvakapiwa Mozisi rakange rine mirairo mishanu yaibata zveukama hwedu naMwari rimwe raive ne zveukama uri pakati pevanhu.Mukuongora mirairo iyi ,murairo wekuremekedza vabereki wakaiswa pamwe chete neiyo ine chekuita nehukama naMwari.

1. Kukudza mumiriri webasa
“Kudzai vabereki!”Uyu murairo unoenzaniswa nemirairo  inechekuita neukama naMwari.Muhumambo hwaMwari,vabereki vamiriri vakatumwa naMwari.Vakapiwa simba rekupa nhaka kuvana nekuvadzidzisa shoko rinofanirwa kuzadzikiswa.Naizvozvo kukudza vabereki kwakafanana nekukudza Mwari.

2. Mavambo ehukama hwose.
Vabereki ndivo vane donzvo rekudzidzisa vana kuva nehunhu hunoremekedza vabereki.Mukuzviita havasi ivo vega vanowana mubairo wacho.Kudzidzisa vana kunoshandura nyika yatigere.Vakarairwa nevabereki vanoonekwa nekuremekedza vanhu vakuru nekukudza vavanoshanda navo.Kuzvininipisa uku nekuva nehunhu kunobva mudzimba dzavakakurira ,mavambo akadai ndiwo anovaka hukama hwakanaka -mukati memabasa uye ne muvavakidzani vekutenda.

3. Gomborero rinowanikwa panyika
“Kudza vabereki vako,kuitira kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka uye ugare makore mazhinji panyika”(VaEfeso6:2-3).Manakiro ehupenyu pano panyika-uye nekuva nemakore mazhinji ekurarama-zvivimbiso zvinotipa kukunda ,kunyangwe tiri pakati pekuomerwa,kunyangwe zvakadaro tinochengetwa naMwari.Nekufamba kwenguva,tinozorarama tichiona kutendeka kwaMwari.Mubairo wekukudza vabereki hausi pahupenyu hunotevera bedzi-mubairo uyu ndewe nguva ino.Nokuda kwekuti kune hudzamu hwepfuma yakazarurirwa kwatiri,ngati chengetedzai murairo uyu une chivimbiso.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kubvumbi 27, 2025, Basa reZuva raIshe
Kukudza vabereki murairo wekutanga une chivimbiso
VaEfeso 6:2

Mutariri Sung-Hyun Kim