Kunaka

(VaEfeso 5:9)


Ndaita humbimbondoga here? Ndatadza here kufungawo vamwe?Chokwadi Mwari ndakaita mabasa akakosha akawanda wani.Ndakaita minana inoshamisa zvikuru muzita renyu.Mwari vanopindura vachiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ,ndinoti kwauri,sezvausina kuitira vepasi,neniwo hauna Kundiitira.Handikuzive,Ibva pandiri iwe unoita zvisakarurama! 

1. Chokwadi chokutenda
Kune avo vanoona kunaka sekuti hakunei nekutenda ,uye vanoona sekuti iko kunaka kunokanganisa kutenda kwemunhu.Vanogona kuzviona se vane kunzwisisa kukuru maringe nekunamata,asi hupenyu hwavo hwakapesana na Mwari uye une zvibereko zvakaipa.Avo vanoda kukura mukunamata vanofanira kuva nekutenda,asi ivo Mwari vanoratidza seichokwadi chekutenda?Vanoshandisa here chiero chekuziva zvizhinhu zvakadzama here kana mabasa atinobata?.Mwari vanotarisa kunaka kwemoyo uye nemabasa akanaka anobva mumoyo wakanaka. 

2. Moyo wakanaka
Avo vane moyo yakaipa vanogona kunyepedzera kuva nerudo asi mukufamba kwenguva huipi nenhema zviri mavari zvinongozoonekwa.Avo vane moyo yakanaka vanoramba vachiita mabasa akanaka kunyangwe zvakaoma sei.Vanotenda nyasha dziri pavari voshingairira mukutendeka kusvikira kumagumo.Naizvozvo kunyangwe takapiwa mukana wekusarudza mabasa akanaka, chikuru kuva nemoyo wakanaka. 

3. Chibereko chechiedza
Mweya mutsvene vanoshanda matiri, vachishandura moyo yedu kuti inake.Isu makare edu, taive vanhu vaikara,vane humbimbondoga.Takazovhenekerwa nechiedza kuipa kwemafungiro ataive nawo, tikanatswa.Chiedza chinofumura huipi hwedu asi tikasaita hanya nazvo hatizovhenekerwi.Pane rumwe rutivi isu tikatenda zvakaipa zvafumurwa, togonatsurudza zvosezvataiita,mavambo emoyo yedu anofanana naMwari.Ivo Mwari vakanaka.Tikaramba tichiita zvakanaka vazhinji vanopupura kunaka kwavanoona matiri. 

Mutariri Sung-Hyun Kim

10 Mbudzi, 2024, Basa reZuva raIshe
Kunaka se chibereko chechiedza 
VaEfeso 5:9
Mutariri Sung-Hyun Kim