Kuteerera Vatenzi Vako
(VaEfeso 6:5-8)
“Ndinoteererei munhu?Ndinongo teerera Mwari”.Vatendi vazhinji vanhasi vane matauriro akadai.Asi Pauro mu apostora anoti,”Imi varanda vaShe ,tevedzerai zvinodiwa nevatenzi venyu panyama,muri mumweya werukudzo,nokutya mumoyo,se zvamunoita kuna Kristu”.
1. Kuteerera Kristu
Kune vatendi,kuteerera vatenzi vavo vepanyama zvinofambidzana nekuteerera Kristu.Kunyangwe hunhu hwa vatenzi vako vepanyama usina huMwari,tinofanira kuvashandira nemoyo wakachena tichibvunza kuti,Ndingabudirire sei mubasa revatenzi vangu?Ndinovafadza sei?”Kuva nehunhu hwakadai kunopupura kune vasinga tendi,zvichipa hushingi kuvatendi,nepamberi paMwari,zvinova basa rekushumira zita ravo.
2. Murairo unobva kuna Kristu
“Handisi muranda wevanhu,asi ndiri muranda waKristu!”Kana uchida kupupura mashoko akadai,zviratidze,nekuteerera vatenzi vepanyika-nokuti murairo waMwari.Kana munhu akangoda kufadza vatenzi vake kana achionekwa,uyu ndiye muranda wevanhu.Asi kuteerera vatenzi vako vepanyama ndiko kutanga kwekuteerera Kristu.
3. Kristu vanopa mubairo
Kuita basa ravatenzi asi uchivanyeya nekuvashoropodza kuratidza kusava nehunhu chaiwo.Ngatishanderei vatenzi vedu panyama nemoyo yakachena,kuitira kuti mweya yedu iwonekwe naMwari inekurevesa nehunhu.Vatenzi vako vanogona kusaona kuedza kwaunoita.Asi tinofanira kurwa nemifungo yakadaro.Mwari anoziva zvose,ivo vachatipa mubairo pazuva rekutongwa.Kunyangwe chigaro chikava chepamusoro kana chepasi,hapana chigaro chisingaperi-hazvina maturo muzuva rekutongwa.Ngatibvisei mafungiro akadaro asina muwono wekure tishandise nguva yatakapiwa zvine hungwaru.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chivabvu 25, 2025, Basa reZuva raIshe
Vatendi Vanoteerera Vatenzi Vavo
VaEfeso 6:5-8
Mutariri Sung-Hyun Kim