Kutenda ne Hupenyu hwakaringana

(VaEfeso 6:5-9)


Vatendi vazhinji vanorarama vachisiyanisa upenyu hwemukereke nehwekunze kwekereke, sokuti zvinhu zviviri zvinofanirwa kusiyaniswa.Muzuva rokunamata ,vanenge vakazara nohuMwari,asi pakati pesvondo vanorarama sevanhu vemunyika,vachitevedzera tsika dzenyika sehuchenjeri.Asi Mwari havadi kuti tirarame hupenyu hune mativi maviri.

1. Kurarama kunovheneka kutenda
Mafungiro ekuti,”Zvinhu zvinechekuita  nemunyika zvinoitwa  tisiri mukereke” zvinonzwika sezvinemusoro-asi chokwadi ndechokuti kufunga kwakadai kunosimbisa kutadza.Mwari havasi matiri mukati mekereke bedzi.Vanotiona kumabasa,mudzimba,nemumagariro edu kwese kwatiri.Vanotoda kuti kururama kuonekwe kwese kwatiri.Zvatinopupura patinonamata hazvisi zvese.Mararamiro atinoita tabuda mukereke,ndizvo zvinoratidza chokwadi chekutenda kwedu.

2. Kupinzwa kwenyika nezvido zvayo mukereke.
Vajaira kurarama munyika vanounza tsika idzi mukereke.Naizvozvo,kuzvikudza,kukakavara nekukara zvinotanga kuva nemidzi  -kwete munyika bedzi asi nomukati mekereke.Kune vanoshandisa kereke kuzadzikisa kuda kwavo kwenyama!Avo vanoti vanoda Ishe asi ,vachiunza marwadzo mumuviri waShe,Kereke!Mabasa avo anorasa nyasha dzeruponeso vachizvidza chaicho chinonzi Vhangeri.

3. Shanduko yomukati.
Vanhu pavanoomerwa muhupenyu,vanopa mhosva kunyika nenzira yayo.Asi Mwari vanotitsanangurira  kuti handizvo kupa mhosva kunyika-asi mhosva iri mumoyo memunhu.Havana kutipa vhangeri kuti tishandure tsika nemagariro evanhu,asi kunzwisisa chinonzi chivi, tobva tatendeuka.Pamusoro pazvose izvi,Mwari havadi kuti nzira dzedu dzisatodze nyika asi tirarame tichiteerera kururama.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chivabvu 18, 2025, Basa reZuva raIshe
MaKristu anorevesa nevavagere navo
VaEfeso 6:5-9

Mutariri Sung-Hyun Kim