Kutsaurwa

(VaEfeso 5:31-33)


Jesu vakati,”Nechikonzero ichi murume achasiya baba namai obatanidzwa nemukadzi wavo,vaviri voita nyama imwe.Naizvozvo havasisiri vaviri asi vave nyama imwe.Nokudaro zvabatanidzwa naMwari ,hapana anoparadzanisa(Mateo19:5-6)

1. Zvaisatenderwa
“Mozisi haana kutendera kurambana here?”Hongu akabvumira.Asi,hazvirevi kuti Mwari vanoda kuti vanhu varambane.Mubhaibheri “kurambana”kwakanga kusiri kwekutenderana kwatinofunga mazuva ano,asi murume airamba mukadzi.Pakadai huipi uhu,hwaizonzwii munharaunda vanhu vachizviona?Vakadzi vaingosiiwa ,vaishaiwa rubatsiro kubva kuvarume vavo uye muvagari vemunzvimbo-naizvozvo kurarama kwaizo vanetsa

2. Rudo rune kurwadziwa mukati.
Kunyangwe umwe akaita hupombwe,Mwari havade kuti imba iparare.Ndiwo mwoyo waMwari kwatiri.Hoziya paakanzi naMwari atore mukadzi asina kuvimbika amuite mudzimai,akaramba achimuda kunyangwe mukadzi wake akanga asina kuvimbika,akanzwisisa kurwadziwa kwaMwari avo vaida Izirayeri .Kurwadziwa uku ndiko kunotakurwa naKristu vachida kereke ,uku ndiko kurwadziwa kwatinotakura pachedu.

3. Ishe vakasangana nekurwadziwa kukuru.
Tisati tatsiva umwe wedu akaita upombwe,pane chatinofanira kuziva:
Tichitarisa kutadza nezvivi zvatakapara pamberi paMwari,zvatinotadzirwa zvidiki.Tinorarama mungoni nguva dzese,mungoni idzodzo,Mwari vanotsungirira mukurwadziswa.Kunyangwe tikafunga kuti zvanyaya kurwadza,Mwari vakatodarika kurwadziwa kwatinoitwa.Ichokwadi kuti takawana rudo rukuru-nanhasi tiri kuriwana.Naizvozvo ngativhenekei rudo urwu muhupenyu hwedu.Ngatiratidzei zvakavanzika zvaKristu nekurwadziwa kwatinosangana nako.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kurume 30, 2025, Basa reZuva raIshe
Zvakavanzika zvaKristu zviri muwanano
VaEfeso 5:31-33
Mutariri Sung-Hyun Kim