Kuzadzwa
(VaEfeso 5:18)
“Ivai vakazadzwa noMweya!”Kune vanotora murairo uyu kuti unoreva kuti ,”Tsvagai kuwedzerwa Mweya Mutsvene nekuti panenge pava nekupera kuzarurirwa nesimba.”Vanhu ava vanotenda kuti pese pavanozadzwa naMweya Mutsvene vari kuwedzera simba ne kuvhenekerwa.Vanofunga kuti kuwedzerwa uku kuno zovasvitsa pakugungwa musimba.
1. Chiyero chemoyo wako
Chimwe chechikonzero chekufunga kwakarasika inhau yehumbimbindoga mumafungiro emunhu.Kunyangwe Mwari vakaratidza kuda kwavo,vanhu vakadai, vanozvipima nemaonero epfungwa dzavo,”Zvinondibetserei ini?”Zvinoenderana neruzivo rwangu here?.”Handikuvari here nazvo?”Maitiro akadai anoita kuti kuzadzwa naMweya Mutsvene kuite sechinhu chinopota chichimbopera.Zadzwai naMweya!.Izvi hazvirevi kuti Mweya Mutsvene havana kuuya zvakakwana uye vanofanira kuwedzerwa.Zvinoreva kuti pane chikero chemoyo yedu chinofanira kuzadzwa nekuzvininipisa kuna Mweya Mutsvene
2. Moyo unoteerera
Mwari vakatipa Mweya Mutsvene,kwete wakakamurwa,asi Mweya hauna chiyero(Johani3:34)Naizvozvo kuzadzwa namweya hazvirevi kutsvaga mweya umwe unenge wasarira kuti tiupinze matiri.Asi zvinoreva kuti isu moyo yedu inozvinipisa mukurevesa kutungamirirwa nekurairidzwa naMweya Mutsvene ,vagara vari matiri
3. Kutenda Kwenguva Yaizvino
Patinova nemafungiro akadai ,zvakavimbiswa naJesu zvinozadzikiswa matiri.Iko kuzadzwa naMweya Mutsvene ibasa ravo.Nyangwe zvakadaro ivo Mweya Mutsvene havashandi kana isu tisingadiwo.Chekutanga tinofanira kuva ne moyo unozvininipisa kwavari.Ngatirambei tine moyo wakazvininipisa kwavari mazuva ose.Ngatigarei takagadzirira mukutenda kuti ivo vashande kuitira kuti kuda KwaBaba kuzvadzikiswe matiri.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Ndira 19, 2025, Basa reZuva raIshe
Zadzwai naMweya Mutsvene
VaEfeso 5:18
Mutariri Sung-Hyun Kim