Munamato

(VaEfeso 6:18)


Munamato unoita kuti zvombo zvemasoja zvishande muhondo yemweya.Kumukristu anosangana nekurwiswa newakaipa minamato-yemhando ipi kana ipi-haifanire kuguma.

1. MuMweya
Minamato ngaiitwe,”mumweya.”Tinogaroti tinonamata “NeMweya”,asi matauriro akadai anoratidza kubata Mweya Mutsvene sechinhu chekushandisa sespanera.Tikagara tichifunga saizvozvo,tinopinda mumambure tichifunga kuti Mweya isimba kana mushandi wedu watinoshandisa patadira.Kunamata “MuMweya”kunanganisa pfungwa dzedu dzichienderana nezvinotenderwa nekudiwa noMweya.Vanonamata vachidai havasi kutsvaga simba rekuzadzikisa kuda kwenyama.Asi vanoona Mwari nehukuru hwavo nekuda kwavo muna Mweya Mutsvene.

2. Kutsungirira Kwose
Murairo wekuti”tarirai” pamwe chete nekunamata hazvirevi kuti tisarare nguva refu toswera tichinamata.Moyo yedu kana yakatyokera munyika tichikarira zvinhu,hatikwanise kunamata chaiko.Tinofanira kunamatira zvomweya,kunyangwe mhinduro ichinonoka,hatifanire kuisa mapfumo pasi asi,”tinoshingairira.”Hatifanire kukahadzika minamato yatinoita inoyenderana nekuda kwaMwari,asi tinoramba tichingo namata dzamara mhinduro yawonekwa.

3. Kunamatira Kereke
Kana takawana nhaka yedenga muchokwadi,munamato wekutanga munyika ino,ngainangane ne hondo yemweya.”Munamato wekereke”haisi yekusarudza,ibasa remutendi wese we sangano.Ngatinamatei kuti vatendi vose vakunde hondo dzewakaipa vachengetedzwe nekukunda kwaKristu.Minamato yakadai unopa humbowo kuti takamira munyasha zhinji dzaMwari.Kunyangwe nhasi,moyo yedu ngaizvipire kutura mitoro wekereke,yatinoti nharaunda yehupenyu hwedu mune kusingaperi.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Nyamavhuvhu 10, 2025, Basa reZuva raIshe
Namata Chechi
VaEfeso 6:18

Mutariri Sung-Hyun Kim