Mutongo Wekubatwa Nemhosva
(VaRoma 3:19-21)
Ndisu ,vanhu ,varimuchaunga chekuparadzwa -asi hatizvi cherechedze. Mwari pavari kuti jekesera nyaya iyi,tinofanira kuteerera ,kunyangwe zvakati womera kunzwa.
1. Mutongo wekubatwa nemhosva
Chokwadi chakabudiswa na Mwari ndechokuti: munhu wose akabatwa nemhosva mudare rekudenga.Asi mutongo uyu unobata here mamwe marudzi ese sezvo vasiri pasi pemurairo-sezvo murairo wakapiwa maJudha? Kwete nokuti munhu wose ane hana yake inoshanda maringe nemurairo.Ndimi dzose dzinoda kuzvibvisa panhau iyi inofanira kunyarara,uye mabvi ose opfugama pamberi pekutonga kwaMwari.
2. Kubudiswa Kwe Chivi
Hakuna here umwe chete kana vaviri havo vakachengeta murairo zvakanaka? Magwaro anonyatso jekesa .Kubvira nguva dza Adhamu vanhu vano woneka nekunze kunge vatsvene asi mavambo avo azere nehumbimbindoga-pasina moyo wekuita zvakanaka. Murairo unobuditsa zvose izvi. Munhu wose anotakura huremu hwose hwe mhosva yake uye anoziva kuti kugehena ndiko kumagumo ake.
3. Kudzoredzerwa Kukuru
Panzvimbo yokutongwa kusingaperi , munhu wese anomira nokutya nokunyarara,asi zvinhu zvasanduka. Murima manga musina tariro, chiyedza cheruponeso chajeka-pasina kugona kwedu. Kwete nokuda kwezviri matiri, asi nokuda kwemutsa Wa Mwari vakatipa Mwanakomana Wavo kwatiri vatadzi.Vanonzi Jesu-vakakosha kudarika hupenyu hwedu, kudarika zve nokusingaperi kwose! Ngatiisei pasi kuzviruramisira kwedu kwepanyama ticherechedze nyasha dzavo.Ngatisarasise rudo rwavo.Ngati pupurei rudo rwavo, tivarumbidze ,tivape mbiri yose.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chivabvu 24, 2026, Basa reZuva raIshe
Mutongo Wekubatwa Nemhosva Kwevanhu Vese
VaRoma 3:19-21
Mutariri Sung-Hyun Kim



