Mwenga waKristu
(VaEfeso 5:25)
“Mukadzi wangu haandiremekedze.Saka ndinmudirei?Handimunzwire mumoyo mangu,saka ndinozvimanikidzirei kuedza kumuda?”Iwe unotofanira kumuda.Nhau iripo ndeyekuti hazvisi kunzi kuda munhu kunokodzera nokuda kwemunhu iyeye.Inhau yekuti iwe uri muna Krist-ndicho chikonzero chekuda chakazara.
1. Apo pane kushaiwa
Musamariya akabatsira mujudha akange arohwa nematsotsi nekuda kwei?Mujudha uyu akange arimupfumi here?Akange arimunhu anokodzera kudiwa here?Handizvo.Chikonzero chimwe chete-aive munhu aida rubetsero.Ndizvo zvimwe chete murudo rwaKristu kwatiri isu.Vanotida kwete nenhau yekuti tinodika asi kana tisina rudo rwavo,hatikwanise kurarama.
2. Mwenga anobwinya
Sekushongedza mwenga kunoita Mambo nezvuma nezvipfeko zvakaisvonaka,ndizvo zvinoda kuitwa na Ishe kukereke yavo yavanozomisa pamberi pavo izere kubwinya.Kuchena kunonwisa mvura kunoratidza kubwinya kwaMwari kunyika.Rusvava rwakaraswa rukanyikwa muropa,mwenga anozvigadzirira nerunako kuri kupupura rudo nesimba rwaMambo vakaponesa mwenga nekumusimudzira.Haagutsikane kungova mwenga chete waMambo,asi zuva rimwe nerimwe musikana anozvichenesa nekuzvishongedza kuitira kuti akwanisirwe kupiwa kodzero dzekumira kurutivi rwaIshe
3. Pazuva rokubwinya
Kunyangwe nhasi,Ishe varikugachidza kereke kubwinya nehutsvene.Kunyanhwe tikaramba tichiona hutsvina,nehutera hwedu zuva nezuva,tinorumbidza Ishe nemufaro nerutendo.Inhau yekuti tinoziba mwoyo washw wakadzama mururegerero,kwete mukutongeswa.Ishe vanogamuchira kutendeuka kwedu vachiti tungamira neshoko ravo,vachishuva zvikuru kuti timire pamberi pavo muzuva rekubwinya.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kurume 16, 2025, Basa reZuva raIshe
Vanoratidza Mwenga mutsvene anobwinya
VaEfeso 5:26-27
Mutariri Sung-Hyun Kim