NeMweya Wangu
(VaRoma1:8-10)
Vanhu vanoshumira Mwari nezvinangwa zvakasiyana.Vamwe vanozviita nekururama kwavo,vamwe nekutya kuraswa,vamwe nekuda hukuru,vamwe nekuda masimba.Asi zvinodiwa naMwari kurevesa kwemufungo unoda kuvafadza
1. Chinangwa cheshumiro
Pauro aive murume ane moyo wakachena.Satani aisaisira vanhu kumukahadza nguva dzose.Asi Pauro haana kusandura moyo wake,uye ukama hwake naMwari hauna kusanduka nekudengenyeka.Tsidzo yake yaiti “Ndinoraramira Ishe vakandidana!”Ainzwisisa kuti hupenyu hwake nemweya waifema zvose zvaive zvaMwari.Kuna Pauro kuva muranda wa Ishe Jesu vakazvipira kuvanhu kwaive kwakanaka.
2. Kuzvipira nekurevesa
Vanhu vanositi ,”Ndikasazviita,umwe munhu achazviita.”asi Pauro akanga akasiyana nevamwe vanhu.Aiona basa raMwari serake.Kana shoko raifanira kuparidzirwa kumativi ose enyika,iye aitowona mutoro uyu se basa rake.Ainamatira makereke arikure nekurevesa,achitsvaga nzira dzekusvikako kuti anoshumira ikoko,achizarura moyo wake kwavari nekurevesa.Dai moyo wake wakarerekera kunyama,nekuoma kwezvinhu nguva idzodzo,angadai asina kusarudza kufamba nzira yakawoma zvakadaro
3. Muhukama hwakadzama naMwari
Pauro,aitombova munhu aikoshesa mitemo nemirairo bedzi senzira yekushumira Mwari.Asi ne Evhangeri,akava aishumira Mwari nemweya wake.Kwaari chaikosha-kudarika kururamisirwa kwake kwaaikoshesa-hukama hwake naMwari.Kuziva moyo waMwari nekuzvipira nehupenyu hwake zvinofadza Mwari-Uku ndokwakava hushumiri hwake chaiwo kuna Mwari.Nesuwo, nhasi tiri mu evhangeri.Ngatishumirei Mwari nemweya wedu,nekurevesa kwose.
Abusa Sung-Hyun Kim
Gumiguru 19, 2025, Basa reZuva raIshe
Mwari vandinoshuma neMweya wangu
VaRoma 1:8-10
Mutariri Sung-Hyun Kim



