Ngowani Ye Ruponeso
(VaEfeso 6:17)
Kunyangwe gungwa renyika richidengenyeka nemasaisai,makristu mazhinji arikuramba akamira-sezvikepe zvikuru zvakamiswa nesimbi dzayo-dzisingapeperetswe.Vakasangana ne kusaruramisirwa,nekufamba mumwaka yakasiyana isina tariro inowoneka.Asi kunyangwe zvakadaro havana kudonha.
1. Bakatwa Remuvengi Rinogura Musoro
Kunyangwe mitezo yevanhu isina kusimba asi mukati mavo mune kuzvipira,vanoti-“Ndichaponeswa.”Nokuda kwekuvimba neshoko iri havazununguki.Nyangwe gamba rakapfeka nhumbi dzose dzekurwa asi rikarohwa musoro nemuvengi,unowira pasi.Ndiko saka musoja wese anoenda kuhondo achifanira kupfeka ngowani.Zvimwe chete zvinoringana naizvozvo muhondo yemweya.
2. Tariro Huru YeRuponeso
Wakaipa anorwisa pfungwa dzedu nemifungo inoti,”Ndakaponeswa chaizvo here?” kana kuti”Ndingachengetedza ruponeso rwangu here kusvika kumagumo?” Patinoremerwa muhupenyu,dhiabhori anonyatso tibaya nebakatwa.Chinotichengeta pakadai inhowo-tariro yeruponseo.Panodzoka Kristu,tichamutswa mukufa tichiwadzana mukubwinya kwedenga navo Ishe.
3. Upenyu Hwakazvipira Muvhangeri
Ishe vakataura mashoko aya kuti tisawore moyo,”Ndinokusiirai rugare,Ndokupai rugare rwangu;harusi rwenyika.”Munyika muchave nematambudziko,asi farai,ndakakunda nyika.”Uku ndiko kuda kwaMwari vakandituma,kuitira kuti avo vose vavakandipa vasarasike,asi vamutswe muzuva rokupedzisira.”Avo vanomira mutariro yeruponeso vanozvipira mu evhangeri.Dzimwe nguva vanofunga kuti vari vega,vasina vanovanzwisisa,uye kunge vakanganwiwa nevamwe-asi Mwari havasiye vanhu vanomira navo vachivimba navo.Nesimba ravo vanovachengetedza kusvika kumagumo,kusvikira vavaratidzira kune vamwe mukubwinya kwaMwari.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chikunguru 27, 2025, Basa reZuva raIshe
Ngowani Ye Ruponeso
VaEfeso 6:17
Mutariri Sung-Hyun Kim