Nhovo Yokutenda

(VaEfeso 6:16)


Mwari vachange vaineni kusvikira kumagumo here?Sei vakangomira,vasina chavarikuita pakadai?”Naizvozvo ndakuisa nyaya iyi mumawoko angu.”Kunyangwe pfungwa dzakadai tisingadzide tinogona kudzifunga  totambudzika zvikuru nadzo.

1. Miseve Inobvira
Uku kurwiswa kukuru nadhiabhori.Anonzvera kusasimba kwemunhu umwe nemumwe okanda miseve inobvira kwavari.Chinangwa chake hachisi kukushungurudza bedzi asi kubvisa vimbo yedu muna Mwari zvounza kuputsika kwehukama wevakanunurwa nemununuri wavo.Sei mutendi achitanga kusavimba naMwari?Nekuti dhiabhori anoyedza vanhu zvikuru nezvatinoshuwira ouya kune munhu nesimba zhinji rekutsausa-Ndiko kushingairira kwaanoita.

2. Nhovo
Muhondo dzekare,miseve inobvira yaiuraya.Yakange isinga baye mutezo bedzi,yaipisa pese payai batira.Moto uyu waiwedzera uchitungira dzimwe nzvimbo dziri pedyo ichiparadza zvizhinji.Chimbofunga miseve yakadai ichidonha kubva kudenga.Kana masoja asina nhovo huru-yakavezwa zvakasimba,uye nemakavi akakora,akanyikwa mumvura vasati varwa-hapana aikwanisa kusaparadzwa.

3. Ruvimbo
Mwari vakatipa nhovo yekuvimba mukati mehondo dzemweya.Ndiko kunonzi “Nhovo yekutenda”.Kutenda uku hakusi kwekungowirirana nedzidziso kana kunzwisisa zvikuru zvemweya.Kuvimba naMwari sedungamunhu-kumira pavimbiso dzavo,neshoko ravo uye nepakuda kwavo nehurongwa hwavo.Mwari vakatiponesa kupfurikidza naJesu,vachiri kutitungamira nyangwe nhasi,uye vachatichengeta dzamara tatorwa naJesu-Havakurirwe.Kuvimba naMwari kusvika kumagumo-ndiyo nhovo inomisa miseve yose inopisa inobva kuna dhiabhori.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chikunguru 20, 2025, Basa reZuva raIshe
Nhovo Yokutenda
VaEfeso 6:16

Mutariri Sung-Hyun Kim