NYASHA DZEMAHARA ASI MUBAIRO UNEMUTENGO
(VaRoma 3:23-25)
Kururamisiwa hazvirevi kuti hunhu hwemunhu hwakarurama. Zvinoreva kuti mutadzi anga akananga Gehena ava nenzira yekupukunyuka kuparadzwa zviri pamutemo,nekuti kururama kwaKristu kwaiswa paari nekutenda.
1. Rudzikinuro
Rudzikinuro runoreva kuti munhu aponeswa nekuti pabhadharwa chibairo.Mwari vanoponesa vanhu,vanga vasungwa nemhosva inokodzera kuparadzwa nerufu.Asi havangovasiye , vanova vavo. Chibairo cheropa ra Kristu ,ndiwo mutengo wechibairo-wavakatenga nerufu rwavo.
2.Rukwanisiro
Chibairo chemu Testamende yeKare chakanga chisina kukwana. Gore rega rega pa Zuva re Atonimende,mupurisita mukuru aipinda Munzvimbo itsvene nekusasiwa kweropa remhuka, asi ropa iri rakanga risinga kwanise kuzadzikisa kururama kwa Mwari. Zvaingopfavisa kwechinguva chipfupi, zvakamirira chibairo chechokwadi asi pasina simba rekubvisa hasha dzaMwari, dzaipinza vatadzi murwizi remoto. Kristu vakava ivo chibairo cherukwanisiro. Vakabhadhara mutengo wechivi vakamiririra vanhu vese vakadzima hasha dzekupradzwa dza Mwari.
3. Nyasha
Kune avo vanotenda hakuchina chikonzero chekuti vayende kugehena. Ruponeso rwakaunzwa kune wose pasina mubhadharo,asi nenyasha. Hapachina nyaya yekuzvikudza. Nekuti takaruramiswa, hazvirevi kuti hunhu hwekutadza hwapera, hazvirevi kuti tiri vanhu vakanaka. Chikonzero chega chekuti tisabatwe sevatadzi,chibairo chakakwana cha Mwari. Nekuda kwaizvozvo chatingaite kutenda Mwari. Ngativei vatendi vatsvene,tichinzwisisa moyo waMwari tichivararira kuita mabasa akanaka.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chikumi 7, 2026, Basa reZuva raIshe
KRISTU, MUKWANISIRI
VaRoma 3:23-25
Mutariri Sung-Hyun Kim



