Rudo Rwe Muchinjikwa
(VaEfeso 5:2)
Chinhu chikuru chatinofanira kutevedzera kubva kuna Kristu ,rudo rwakaratidzwa mukuregererwa kwedu pamuchinjikwa.Mwari vanoda kuti tifambe murudo urwu.Vanoda kuti mararamiro ehupenyu hwedu aratidze kunaka kwa Kristu.
1. Rudo Rwechibayiro
Rudo rwaKristu haruna humbimbindoga, asi ivo Jesu vakatozvipa kwatiri.Kristu vakazvideredza pahukuru hwavo murudo.Havana kupa rudo rwakadai nekuti taikodzera kurupiwa kana kuti pane zvavaizowana mazviri.Kunyangwe dai vanhu vakatadza kuvadzoserawo rudo ,vakangosarudza kutida zvakadaro.
2. Hwema Hunofadza
Ishe vakava Chipiriso chinonhuwira pamberi paMwari.Pane zvibayiro zvizhinji zvaiitwa naVaIzirayeri.Zvibayiro zvekutenda zvaisanganisira zvipiriso zvapiswa,zvezviyo nezvipiriso zvokuyananisa.Zvipiriso zvapiswa paaritari zvaive mufananidzo hwehwema hunonhuwirira kunaMwari.Asi zvipiriso zve zvivi nezvemhosva kunyangwe zvaivewo netsika yekubayirwa zvaisaonekwa se Hwema hunonhuwira.Chikonzero chakange chiri chekuti zvairatidza chibayiro chaKristu avo vakatakura zvivi zvevanhu vese.Zvirokwazvo nyangwe zvakadaro,Kristu vakamuka mukufa,vakakunda chivi.Naizvozvo mabasa erudo aya akazova Hwema hunonhuwirira hunofadza pasi rino rese nekudenga.
3. Nzira Yakambundirwa Nenyasha
Nyasha dzatakagamuchira iropafadzo yatinopiwa kubudikidza norufu rwaKristu.Chibayiro chaKristu chakatiwanisa rusununguko ,runyararo,rubatsiro rwaMwari,kuyananiswa pahukama pamwe chete nemukana wekumutswa kana tawira pasi.Isu takapiwa rudo rwakadzama kudai,ngatifambeiwo murudo rwakadaro.Ngatitevere Mwanakomana waMwari uyo akatida kudzamara wazvipa muviri wako sechipiriso cherudo nokuda kwedu.Ngatimukudzeyi Mwari uye tive Hwema hunonhuwirira Kuna Baba.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Zuva ra6 Gumiguru, 2024, Basa reZuva raIshe
Chipiriso nechibayiro chinonhuwira chaKritsu
VaEfeso 5:2
Mutariri Sung-Hyun Kim