Semadiro amunoita miviri yenyu
(VaEfeso 5:28-30)
Munhuwese anokoshesa uye anoda muviri wake.Vanhu vanotsvaga nzira dzehutano,dzekutsvinda,nekugarika.Vanhu hava kwanise kunzi vanhu pasina miviri.Ndizvozvo zvinoita Kristu kukereke
1. Kuchengetedzwa nekubatwa zvakanaka naKristu
Kristu vanotichengeta nekuti bata zvakanaka nekuti tiri muviri wavo.Chavanovavarira hakusi kubudirira kwe munhu mumwe chete bedzi.Chavanoda ndechekuti tibatane mumuviri wavo tiite kuda kwavo.Vanoshuva kubudirira kwekereke nesimba ravo rose.Chikonzero chinoita kuti tikomborerwe inhau yekuti tiri mutezo wekereke,uyo muviri waKristu.Kristu ndivo vanobatana ne kereke-Vanofema nayo,votambudzika nayo,vofara zvikuru nayo kereke.
2. Kuchengetwa nekubatwa zvakanaka kunoitwa nemurume kumudzimai wake
Kuriritira kwaKristu kukereke kunoenzaniswa nemabatirwo anoitwa mukadzi nemurume wake.Murume anoona kuti apa mukadzi wake zvaanoda, achimuyemura nerudo.Mukadzi anowana rugare murudo rwakadai.Asi murume akada kushandisa zvechisimba kumudzimai wake anoita mukadzi kunge mudziyo wake bedzi,uku kuzvikuvadza muviri wake.Murume ari munyasha dzaKristu anofanira kuratidza kutora nzira yakanaka muhupenyu hwake sezvakaita Kristu kune kereke.
3. Hausi mudziyo bedzi asi Ndiwe pachako
Izvi hazvirevi kuti kuremekedza mukadzi zvinoita kunge mukadzi chava chinhu chako.Mukadzi ,kumurume akangoita semuviri wake.Kristu havana kungosimudzira kereke bedzi,kereke muviri wavo,isu tiri mitezo yavo.Isu takange takananga kuparadzwa,asi takabatanidzwa naKristu,tave mitezo yavo.Ivo pachavo ndivo vanotichengeta .Ndirwo rudo rwataka gamuchira.Ngatiratidzei rudo urwu muhupenyu hwedu.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kurume 23, 2025, Basa reZuva raIshe
Idai vakadzi venyu semadiro amunoita miviri yenyu
VaEfeso 5:28-30
Mutariri Sung-Hyun Kim