Shangu dzeVhangeri Rerunyararo
(VaEfeso 6:15)
Avo vakayananiswa naMwari anogara vane kugadzikana muhondo dzomweya,nokuti vanotenda vachiti,”Mwari vanondida,havandisiye ndega. Vanondirwira.”
1. Shangu dzemusoja
Izvi zvakafanana nekugadzikana kuri pamusoja akashonga shangu dzakamufanira dzinoshandisika pahondo.Kana pasi padzo pakatetepesa,anotya kutsika pane mabwe anocheka.Kana shangu dzacho dzichikaba ,haakwanise kurwa nemazvo paanosangana nemamwe masoja.Asi akakwanisa kupfeka shangu dzakasimba dzvokuendesa kuhondo,izvo pachazvo zvinomupa hushingi nekugutsikana.Naizvozvo Mwari vakapa murairo wekuti,”Shongai tsoka dzenyu makagadzirira eVhangeri rerugare!”
2. Kuyananiswa na Mwari
“Evhangeri rerunyararo”harungorevi kuparidza kunotonhodza zvinotinetsa mupfungwa.Rugare apa runoreva kuyananiswa kwe vanhu naMwari,kupfurikidza nekurovererwa kwakaitwa Kristu.Mwari havagare pachivi.Pasina kururamisirwa naKristu,patinomira pamberi pavo,taiparadzwa nehasha dzaMwari nekuda kwechivi.Asi mhaka yakatorwa naKristu pamuchinjiko,naizvozvo kuparadzwa kwaifanirwa kuitirwa isu kwakabviswa.Uku ndiko kuyananiswa kwevhangeri ratakapiwa.
3. Kutendeuka neZvibereko Zvacho
Kuti tiitirwe zvakanaka mukuyanana,tinofanira kutevedzera evhangeri,tichitendeuka.Avo vanotendeuka zvechokwadi vanorarama upenyu hune moyo unogaro tendeuka,semusoja akapfeka shangu akagadzirira hondo nemano ewakaipa anouya chero nguva.Izvi hazvirevi kungopupura zvitadzo zvedu zvese zvatinopara,uye nekuedza kuzviyera kururama nesimba redu.Munyama yedu tinotadza.Tinofanira kugara takazviziva tichifamba nekuenda mberi asi tichishanduka.Avo vanotendeuka vachidaro,vanokoshesa kuyananiswa kwekereke uye nekuwadzana kwevatendi.Izvi zvinoratidza kuti panekuwadzana kunoonekwa navose kuna Mwari.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chikunguru 13, 2025, Basa reZuva raIshe
Shangu dzeVhangeri Rerunyararo
VaEfeso 6:15
Mutariri Sung-Hyun Kim