Testamende Yekare

(VaRoma 1:2)


“Imbomirai-havasi vaFarisi nevanyori vaiziva testamende yekare zvikuru here?Kana kuri kuti testamende yekare yaitaura nezva Jesu,sei vasina kucherechedza Jesu?Sei vakaramba evhangeri?Hakusi kuti Testamende Yekare hainei nezve vhangeri racho here?”

1. Kuwadzana naMwari
Chaikosheswa navaFarisi nevanyori chaisava shoko,asi tsika nemagariro emarabhi.Mwari vakatsuura vachizviti”tsika dzevanhu”.Zvaisabva kuna Mwari zvachose,asi dzaive nzira dzechitendero dzaimanikidza vanhu nemitemo netsika  dzaikudza zvido zvevanhu.Kunyangwe zvaiita sekunge ndezvaMwari,zvaisave nekuratidza izvo zvakakosha-kuwadzana naMwari.

2. Uyo akakosha mu Evhangeri
Dai vaFarisi nevanyori vakakoshesa shoko,vaikwanisa kucherechedza Jesu kunyangwe muchidimbu.Magwaro aigaro taura nekuporofita nezvevhangeri uye nezve uyo akakosha mariri.”Asi iye wakakuvadzirwa kutadza kwedu,Wakasvuurirwa zvitadzo zvedu;kuzvidziwa kuti rugare rwedu rwaibva Pavari,namavanga avo takaponeswa”(Isaya53:5).Zvinoshamisa ndezvekuti ,hazvina kunyorwa nevadzidzi vaJesu ,asi nemuporofita Isaya-makore mazana manomwe Jesu vasati vauya.

3. Evhangeri rakavimbiswa kubva pakutanga
Pauro aipumiwa nenzira yakadai:”Uyu murume anozvidza Mozisi achitaura zvisiri mumagwaro”.Asi Pauro aitsinhidzira kuti vhangeri rakavimbiswa kubva pakutanga”mumagwaro”kupfurikidza nevaporofita.Iri ndiro vhangeri ratakapiwa.Kune avo vanoshorwa,Mwari vakagara vachivapa vhangeri kubva kare.Kunyangwe nyika inemiyedzo nezvinoyevedza,kunyangwe tikavhundutsirwa nezvinotyisa-hatisiye vhangeri.Ngatigarei mariri kusvika kumagumo tidyidzane kurufaro rwusingaperi rwaMwari.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Gunyana 14, 2025, Basa reZuva raIshe
Shoko rakanaka rakavimbiswa Mumagwaro Matsvene
VaRoma 1:2

Mutariri Sung-Hyun Kim