“Mabasa evakaponeswa”
(VaRoma 2:6)
“Hazvina basa kuti tatadza kana kuti taita zvakanaka,nokuti takaponeswa.Kutongwa hakunei nesu,saka tinozvinetserei.”Makristu mazhinji havanzwisisi mashoko anoti,”Uyo anotenda maari haana chipomerwa”(Johani3:18),mukuzvikudza vanoti,uyo anoenda kukereke haambofe akaenda pamberi pechigaro chekutongwa.”
1. Avo vachatongwa
Zuva rekutongwa richauya.Zuva iri rachaonekwa nemaziso ose mukudzoka kwaKristu.Harisi zuva revasina kuponeswa bedzi.Magwaro anoti vose vanoita zvakaipa vasina kutenda muevhangeri vachatongwa.Asi vanhu vanoda kuzvipatsanura vachiti vanoenda kukerere vakapona zvisinei nemararamiro emunhu muhupenyu hwake.
2. Nzira dzakatsaurwa dzekutongwa
Vanhu vachatongwa nemabasa avo.Testamende yekare uye naKristu vakati,”Vachapa mumwe nemumwe mubairo wemabasa ake.’Muapostora Pauroakati:”Tose tichamira pamberi pechigaro chekutongwa chaKristu,kuti mumwe nemumwe awane mubairo wezvaakaita zvakanaka kana zvakashata”(Vakorinde Vechipiri 5:10) Vakaparidza nyasha dzeruponeso hupenyu hwavo hwese,asi vakatsinhidzira kuti vakaponeswa vachatongwawo nemabasa.
3. Mwari vanoshanda
Takaponeswa nenyasha,asi zvinoratidzira nemabasa.Vazhinji vanozvidza mabasa vachikoshesa nyasha nekuti havanzwisise mutongo unouya nenyasha dzacho.Kuponeswa inyasha,asi tinotongwa nemabasa.Tinoysinhidzira nyasha kuti tisazvitutumadza,asi hatikanganwe kuti takasikirwa mabasa akanaka.Mabasa akanaka anopa Mwari mbiri.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kukadzi 8, 2026, Basa reZuva raIshe
Vachapa mumwe nemumwe nemabasa ake
VaRoma 2:6
Mutariri Sung-Hyun Kim



