Kuita kwaMwari
(VaRoma 2:8-10)
Mwari vanoona,vanorangarira uye vanochengeta mundangaririo mabasa omumwe nomumwe kusvika pakutongwa kwake.Kutongwa kunouya kune wose nechiyero chemabasa emunhu.Pauro anotaura achiti”kune avo vanozviraramira vachizvifadza vasingateereri chokwadi,vaine kusarurama -vachasangana nekutongwa(VaRoma2:8) izvi zvinofanira kubvisa mweya wekuda kuvarairwa munyika ino.
1. Avo vanoshingairira kubudirira
Kuungana sechipoka hachisi chivi.Asi imhosva kana munhu akaramba chokwadi achiunganidzira vanhu kuda kuita mari, achityisidzira vanhu nenhema nokungoda hukuru.Chivi chekukarira hachinyanyobve panze zvinooneka asi chinobva mumoyo unoda kuzvifadza.
2. Avo vanotevera kusarurama
Hapana anoshevedza kuti “handidi chokwadi”.Asi,vanhu ava vane moyo inemidzi yemunyika.Nekuti hapana anganzi aripakati nepakati pezvemweya,nzira iyi inonangisa munhu kurudo rwenyika.Kune avo vanosimudza bakatwa kuvafudzi vavo nekurwisa kereke imwe nzira inoratidza kurasikira kunyika kunenge kwatanga.
3. Avo vanoita zvakanaka
“Matambudziko nekushushikana”zvinopiwa avo vanofamba mukusarurama,asi mbiri nerumbidzo nerunyararo zvinouya kune avo vanoita mabasa akanaka muchokwadi.Mutendi arioga haangaite mabasa akanaka ega,zvakafanana nekuponeswa nenyasha,hutsvene hunongouya nesimba raMweya Mutsvene.Avo vakarasa mufungo wekuzvitsvagira mbiri yavo asi vanoshuva simba guru kuti vafadze Mwari vanopiwa rukudzo ne runyararo zvinobva kuna Mwari.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Kukadzi 22, 2026, Basa reZuva raIshe
Muiti wezvakaipa nemushandi wezvakanaka
VaRoma 2:8-10
Mutariri Sung-Hyun Kim



