Bass ReKereke

(VaRoma 2:17-20)


Mwari vakavimba muma Judha basa rakange riri repasi rino rese.Vaifanira kushanda  semidziyo waidzikinura pasi rino rese uye vari midziyo wedzikinuro kuitira kuti pasi rino rese riponeswe.Zvirokwazvo vakakundikana.Mukana iwoyo  nebasa racho zvikapiwa  kwatiri isu-Kereke ya Jesu Kristu.

1. Bazi rekutemba naro
MaJudha vaitenda kuti havatongwe nokuti vakasarudzwa naMwari uye vakapiwa murairo.Pavairairana mumurairo vaiganza muna Mwari,vachifuratira Mwari wacho.Muporofita Mika akataura nezvekuparadzwa kwe Jerusarema kune avo vaive nehuwori ,vaita rusarura ne avo vaiporofitira mari, vachiita zvechiwoko muhomwe vachiganza kuti,”Mwari vari pakati pedu.” Kungova nezita neruzivo rwaMwari hazvisi izvi zvinopunyutsa munhu pakutongwa.Tinofanira kuvhunza chekutanga kuti “Tirikumbo temba nei?”

2. Kuziva Vs. Mararamiro
Paul mu apostora waMwari anotaura mabasa mana omweya aiganzwa nawo nema Judha:hutungamiri kumapofu,kuvachiedza murima,kuva murairidzi kuvakarasika uye kuvamudzidzisi kuvana.Aive mabasa akakosha avakapiwa naMwari.Panze pekuti vatungamire mahedheni kuchiedza vakavambunyikidza netsika nemagariro avo.Naizvozvo vaitendeuka vaitowedzera kurasika pahuMwari vachiitwa vana vegehena.Kuziva bedzi kusina mararamiro akafanira hazviponese asi zvinounza kutongwa.

3. Chidzidzo chikuru pakurasika
Kutura befu uchiti,”Ini ndakanaka ndinoenda kukereke uye ndinoziva bhaibheri,”zvinongo fambidzana nekurasika kwakaita maJudha. Mwari vanoyera varanda vavo kwete neruzivo asi mukudzama kwekuteerera nekushanduka mumararamiro emunhu.Kutsiurwa uku hakusi kurasiwa.Mwari havadi kuti tirasike ndiko vachititungamira .Vanoda kuti tibve pakungotaura nezvekuteerera asi kuti tizvirarame ,tobva pakungoganza asi tive vaiiti vemabasa akanaka. Basa rakatanga rapiwa maJudha vakaritadza, rava kuitwa nesu Kereke.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kurume 15, 2026, Basa reZuva raIshe
Kukundikana Pabasa Kwevagamuchiri Vevhangeri
VaRoma 2:17-20

Mutariri Sung-Hyun Kim