HANDINA ZVEKU ZVITUTUMADZA NAZVO
(VaRoma 3:27-31)
MaJudha aitenda kuti nekuti vakapiwa shoko pachavo vakarichengeta, ndivo vega vaigamuchirwa naMwari. Asi shoko rinoti mabasa okuzviitira neshungu mune zvekutenda hazvinei neruponeso.
1. Murairo Wekutenda
Nei? Kufa kwa Jezu pamuchinjiko kuchiratidza chokwadi chose. Dai vanhu vaikwanisa kumira pamberi paMwari nemabasa avo oga, muchinjiko ungadai usina basa.Ruponeso haru uye nesimba redu pachedu.Chipo chatinopiwa naMwari. Nzira yoga yekugamuchira chipo ichi inzira yemurairo wekutenda: kutenda muna Mwari vane ngoni nekutenda, mubasa ravakaita pamuchinjiko.
2. Nzira Imwe Chete
Ruponeso ndere maJudha here bedzi? Ndizvo zvinotenda maJudha.Asi kune musiki mumwe chete bedzi anotonga vanhu vose. Kana Mwari vakasika vanhu vese, havasi Mwari we MaJudha bedzi asi ndi Mwari we vanhu vese. Naizvozvo nzira yeruponeso hainga siyane kumarudzi ose. maJudha anoruramiswa nekutenda kwa Aburahama ,nevanhu vosewo vemarudzi ose vanoruramiswa nenzira imwe chetewo.
3. Nzvimbo YeMuteresi
Pane mamiriro amwe chete atinogona kuita pachokwadi chakazarurwa ichi: nzvimbo yemuteresi , akamira arikure,asina chiremerera chokutarisa kunyangwe kudenga,asi akazvininipisa. Hatina chatakakwanisa kubata.Handi shungu dzedu kana mabasa edu. Takaponeswa nenyasha dza Mwari. Kana kupupura kwakadai kukava nemidzi matiri, hatingatadze kuzvininipisa.Panzvimbo yakadai tinopupura tichiti ,”Ishe muri mufaro wangu wose , tinokupai mbiri patinobata basa renyu.”
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chikumi 21, 2026, Basa reZuva raIshe
MURAIRO WEKUTENDA WEMARUDZI OSE
VaRoma 3:27-31
Mutariri Sung-Hyun Kim



