KUTENDA KWAKA KWANISIRA KURURAMA

(VaRoma 4:1-3)


MaJudha aitenda kuti tateguru ravo Aburahama ndiye aive murume mukuru pakururama, akasananguka uye ane mabasa akanakisa. Asi Pauro akati ,”Magwaro anoti kudini?’Aburahamu akatenda Mwari ,ndiko kwakava kururamiswa kwake” (VaRoma 4:3)

1. Kusasimba
Tikanyatso tarisa hupenyu hwa Aburahama,tinoona kuti pachake ainge asina kururama. Akakura murudzi rwe kunamatwa kwe zviumbwa.Paaka danwa kuti asiye verudzi rwake,haana kuteerera zvakakwana,akatotora muzukuru wake Roti.Pakaita nzara,akavimba nenyika ye Ijipita kwete Mwari. Kuti azvipunyutse  akanyepa  kuti mukadzi wake ihanzvadzi yake. Akatadzawo kumiririra nguva yaMwari ndiko paakatora Hagari. Aburahama anga asinakusimba uye aikundikana nguva zhinji.

2. Ruvimbo
Asi Mwari vaive naAburahama.Kunyangwe airamba achidonha ,kutenda kwake muna Mwari kwakaramba kuchiwedzera maari.Kunyangwe Mwari pavaka muti ndipe mwana wako oga Isaka sechipiriso ,akateerera kamwe chete.Kuvimba kwakadai kwaikwanisika nekuda kwesimba raMwari,Ivo ndivo vaimubatsira mumweya. Pakupedzisira ,chakange chakakura haasi Aburahama ,asi nyasha dzaMwari-nyasha dzakabatirira pane murume ane hutera kusvika pamagumo, vachimupa kutenda ndiko kwakazova kururama kwake.

3. Rumbidzo
Hatina simba rekubuditsa kururama.Kutenda bedzi handiko kunoruramisa. Kutenda ndiyo nzira inoshandiswa na Mwari pavanopa nyasha dzeruponeso. Kana munhu asina kana kodzero paanotambanudza ruoko kuna Mwari kuti awane nyasha Dzavanopa mahara,moyo wakagutsikana pamberi paMwari, ndiko kutenda.Hamuna chinhu matiri chekuti Mwari vawane chine kururama.Ngati tambanudze mwoko edu kuna Mwari vazere nengoni tichiuya pamberi pavo nekuvonga nerumbidzo.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Chikumi 28, 2026, Basa reZuva raIshe
KUTENDA KWA ABURAHAMA, KWAKA KWANISIRA KURURAMA
VaRoma 4:1-3
Mutariri Sung-Hyun Kim