Kristu ne Kereke

(VaEfeso 5:22-24)


Ukama uripakati paKristu ne kereke hwakavanzika uye wakaisvonaka.Mumaonero enyika,kereke haisi chisvinu asi kungoungana kusina maturo bedzi.Asi ,Baba vakapa Kristu-musoro wezvinhu zvose-kuva musoro wekereke.

1. Musoro wekerere
Uyo akagara ari mukuru pazvose aita here mukuru wekereke?Kereke yakakosha here zvakadaro?Hongu!Nhau yekuti Kristu musoro wekereke zvinoratidzawo kukosha kwayo.Kristu vakasiya zvose kuti vaponese kereke,semusoro wayo,Vainoitonga vachiyitungamira.Naizvozvo iyo kereke inozviisa pasi paKristu nemufaro.

2. Muponesi womuviri
 Kuzviisa pasi kunoita kereke kuna Kristu hakusi kwekumanikidziwa,asi zvinongouya nyore.Kristu habasingori mutongi bedzi,vakazvipa sechipiriso kukereke,murudo kwairi kuti iyo ive nerugare nemufaro.Ndiko saka kereke ichinanavira kuziva kuda kwavo andkufamba muzvido zvavo.Kereke hairegu kuimba rumbidzo kuna Kristu.Kereke inovimba zvizere mavari.

3. Murume ne Mukadzi
Pane nzira yekupinda muwanano yaKristu ne Kereke sechifananidzo-ukama yemurume nemukadzi wake.Murume azere naMweya Mutseve anozvipa sechipiriso kumukadzi wake ,uyo anozviisa pasi kwaari zvinofadzawo mukadzi wake.Saizvozvowo mukadzi akazadwa naMweya Mutsvene anozviisa pasi pemurume wake.Hazviite nekuti ibasa rake bedzi raakapiwa naMwari asianozviona sekuzviisa pasi paMwari.Kana murume nemukadzi wake vachidanana vachizviisa pasi semurairo wakapiwa naMwari,imba yavo haingogumi iri imba yavo bedzi asi inoita nzvimbo inoyera inozadzikisa kuda kwaMwari.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kurume 2, 2025, Basa reZuva raIshe
Zviisei kuvarume venyu sezvamunoita kuna Kristu
VaEfeso 5:22-24
Mutariri Sung-Hyun Kim