Kutenda 

(VaEfeso 5:20)


Usatye uye usawondomoka;mangwana uchabuda uchirwisana navo,nekuti Ishe vanewe“.Kungonzwa kuuya kwehondo ,mambo Jehoshafati wavaJudha,akawondomoka mumoyo.Asi paakanzwa mashoko emuporofita akawana simba. 

1. Kupa kutenda zvinhu zvisati zvauya
Ngatipei kutenda kuna Ishe nengoni dzavo dzinogara nokusingaperi.”Mambo Jehoshafati akatuma masoja kuhondo akavarayira vaimbi kuti vatungamire,vachiimba mashoko aya.Kunyangwe hondo isati yatanga akanga anekutenda kuti vakunda ,akapa kutenda kunaMwari.Mambo daivakapa kuvonga vapedza hondo chete, vaisharatidzira kubwinya kwa Ishe zvakanyanya. 

2. Kupa kutenda pane zvatakapiwa
Zvirokwazvo kupa kutenda tapedza kukunda bedzi kwakanaka.Chokwadi ndechokuti vamwe havatendi vakakundiswa. Vanosvora uye havaone chikonzero chekukoshesa kutenda.Munhu wese anozviisa panzvimbo yekungofunga zvekodzero dzaanofanira kupiwa mukukunda haambotendi Mwari.Asi kune avo vanoziva kukunda kuti kunobva kunobva kunaMwari vanotenda uye vanokomborerwa.Asi pane uyo anokomborerwa zvakanyanya-munhu akaita saMambo Jehoshafati ,anopa kutenda kukunda asati atokunda hondo irikuuya.

3. Kufambidzana naIshe chikamu nechikamu
Pane kutenda kwepamusoro soro-kupa kutenda kwete nekuti wakunda,asi mukati mekurwadziwa nekukundwa kwacho.Uku ndiko kukura,kutenda kwakadi kunodiwa naMwari baba kuvana vavo.Kunyangwe muhupenyu hweduzvatinoda zvisina zadzikiswa,zvose zvichafamba muhurongwa hwaIshe,ivo vogopiwa mbiri .Kutenda hakuna sarudzo.Mwari vakafanirwa kutendwa munguva dzose.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kukadzi 9, 2025, Basa reZuva raIshe
Ivai nerutendo munguva dzose 
VaEfeso 5:18
Mutariri Sung-Hyun Kim