Kutenderana kuzviisa pasi muwanano

(VaEfeso 5:22)


Kuzviisa pasi pemurume wangu hazvisi zvinhu zvekare here?”Ndinozviisa pasi pemurume sei,iye asingandi remekedze?”Ichokwadi kuti dzidzisoyekuti madzimai azviise pasi pevarumevavo haigamuchirike mazuva ano.

1. Moyo waMwari
Tinofanira kunzwisisa moyo waMwari vakatipa murairo iwoyo ,tisati tapeta nhau iyi nekupa mhedzisiro yenyaya. Chido chavo hakusi kutivanokoshesa divi rimwe chete revarume.Kuti dzidziso iyi inzwisisike uye izadzikiswe,murume nemukadzi vese vanofanira kuzviisa pasi pezvido zvaMwari ,zvose zvinozoringana.Naizvozvo tese tinofanira kunzwisisa chinangwa chedzidziso pakutanga.

2. Kutevedzana kwe zvinhu kwakaita pakusikwa kwenyika
Chekutanga tinofanira kuzvigamuchira kuti murume nemukadzi vakaenzana pamberi paMwari,asi vane mabasa akasiyana.Mwari pavaisika nyika,vakati vakadzi vazviise pasi pevarume vavo,rudo neruchengeto rwevarume ndizvo zvinoshanda kuvakadzi vavo.Vanhu vakarasika vanoramba vachipokananemurairo uyu ,asi Mwari vakatidana muna Kristu kuitira kuti tidzokere pahurongwa hwavo hwavakatipa pakutanga. 

3. Nzira itsva
Evha paakaedzwa nenyoka,haana kutanga asuma murume wake.Nokuda kwaizvozvo Mwari vakaisa kutukwa paari vachiti:”Kuda kwako kuchava kumurume wako,iye achakutonga.”Zvaireva kuti”Uchatsvaka kuda kutora chigaro chakapiwa murume wako,iye ogokudzvinyirira nokuda kwazvo“.Magariro aifanira kunge aine rudo nekunzwanana akabva ave ekupokana nekunetsekana.Nekuda kwe mararamiro ehuipi hwakadai,Mwari vanoraira vatendi vakazara nomweya mutsvenekuzviisa pasi, mumwe nemumwe muwanano dzavo.Ngatigamuchirei chokwadi chaMwari,avo vanoda kuti tungamiramunzira yemufaro 

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kukadzi 23, 2025, Basa reZuva raIshe
Kuzviisa pasi pevarume venyu
VaEfeso 5:22
Mutariri Sung-Hyun Kim