Kuwirirana mukuzviisa pasi

(VaEfeso 5:21)


Chikuru mumagariro edu ekuwadzana sekurayira kunoita Mwari kwatiri isu tiri muna Kristu,kuzviisa pasi kwe umwe ne umwe mururemekedzo.Izvi zvinotarisirwa kuvatendi vose mukereke,uye zvinotarisirwa mukugarisana kwe murume nemukadzi wake ,kunyangwe kuvabereki nevana vavo, nekusanganisirawo vatenzi nevashandi vavo. 

1. Ruremekedzo nekuzviisa pasi
Kutenderana kuzviisa pasi zvinotoda kutoremekedzanawo.Ruremekedzo runofungawo vamwe kunyangwe munhu aine kodzero dzakewo,kuzviisa pasi kutorega kudokwairira kodzero idzodzo.Kuzviisa pasi kunoita sechinhu chakashoreka,asi kunouza tsika nemagariro akanaka anoita kuti zvinhu zviendeke.Hakuna sangano,kunyangwe nyika inobudirira pasina ruremekedzo rwe varipazvigaro.Ichi ichokwadi kunyangwe nemumakereke.Ndimo munofanira kuva neruremekedzo nekuzviisa pasi nekuti kereke inechekuita nehupenyu neramangwana remunhu. 

2. Kuzviisa pasi kwaMambo 
Kuzviisa pasi kunorovedzerwa naMwari, hakusi kudivi rimwe chete bedzi asi kunavose.Mufananidzo wekuzviisa pasi unoonekwa muhupenyu hwekuzvirasa hwaJesu Kristu.SaMambo veHumambo husingaperi,vanokodzera kuti vanhu vose vazviise pasi pavo.Asi ivo vakazviisa pasi kuti vanhu vapone vakwanise kutendeuka,naizvozvo tinogara mukunzwisisa kutenderana mukuzviisa pasi umwe nemumwe.

3. Avo vanozviisa pasi umwe kune mumwewo
Vatendi vose vakazadzwa naMweya Mutsvene ndivo vanozviisa pasi.Murume akaganzira kuremekedzwa nomukadzi wake akazadwa neruvengo achingonyunyuta,arikutotadzawo kuremekedza mufaro wemudzimai wake.Naizvozvo mukadzi haafanire kukahadzika kuzviisa pasi pemurume wake.Kuzviisa pasi muna Kristu hakusi kwekuti umwe ari pamusoro peumwe.Sezvakaita Kristu,kunyangwe vakaendzana naBaba,vakazviisa pasi kunaBaba,naizvozvo kuzviisa pasi kwemukadzi kumurume wake hazvirevi kuti iye mukadzi haana kukosha asi ane basa rakasiyana nemurume.Zvose izvi tinozvinzwisisa mukuti mongo kana midzi ye kuzviisa pasi pevamwe zvinoitwa nekuda kwe rudo rwaKristu 

Mutariri Sung-Hyun Kim

Kukadzi 16, 2025, Basa reZuva raIshe
Zviisei pasi mumwe ne mumwe 
VaEfeso 5:21
Mutariri Sung-Hyun Kim